Zvirevo 11:16-21
Zvirevo 11:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa, asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete. Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko. Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyengedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi. Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake. Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa. Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi, asi vakarurama vachasunungurwa.
Zvirevo 11:16-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mukadzi muuya anokudzwa; Vakasimba vanochengeta pfuma dzavo. Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake. Wakaipa anopiwa mubayiro wokunyengedzera; Asi anokusha kururama achawana mubayiro wazvokwadi. Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake. Vane mwoyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza. Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurohwa; Asi vana vavakarurama vacharwirwa.
Zvirevo 11:16-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mukadzi ano hunhu anoremekedzwa asi murume anoita zvechisimba chaanowana upfumi. Murume ane mwoyo wakanaka zvinhu zvinomufambira zvakanaka asi murume ane mwoyo wohutsinye anozvikuvadza. Munhu wakaipa anowana mubayiro wounyengedzi asi anodyara ururami anowana mubayiro kwawo. Anosimbirira muururami anorarama asi anoronda uipi anofa. Vanhu vane mwoyo wakaipa Tenzi haavadi asi vasina mhosva anofadzwa navo. Iva nechokwadi chokuti munhu akaipa anorangwa chete asi vana vavakarurama vanonunurwa.
Zvirevo 11:16-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mukadzi muʋuya unokudzwa; Ʋamanikidzi ʋanowana fuma. Munhu uneŋgoni, unoitira mŋeya wake ɀakanaka; Asi usinetsitsi unotambudza nyama yake. Wakaipa unopiwa muɓairo wokunyeŋgedzera; Asi unokusha kururama ucawana muɓairo waɀokwaɗi. Kururama kwaɀokwaɗi kunoisa kuʋupenyu; Asi unoteʋera ɀakaipa, unoʋiŋga rufu rwake. Ʋanemŋoyo yakatsauka ʋanonyaŋgadza Jehova; Asi ʋanofamba nenzira yakarurama ʋanomufadza. Ɀirokwaɀo, wakaipa haaŋgakoni kurobga; Asi ʋana ʋaʋakarurama ʋacarwirwa.
Zvirevo 11:16-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)