Zvirevo 1:10-15
Zvirevo 1:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva; ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba; isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,” mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo
Zvirevo 1:10-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe. Kana vachiti, “Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka. Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba. Tichawana pfuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba; Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.” Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo
Zvirevo 1:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu, vatadzi vakakunyengetedza kuita chinhu, usabvume. Kana vakati, “Uya tiende tindovandira vanhu tivauraye tindovhurumukira kuvarwisa vasina mhaka uye zvisina tsarukano sezvinoita nzvimbo yavafi tivamedze vari vapenyu vakangodaro sezvavakaita sezvinoita vanodzika muguva, tichawana zvose zvakakosha tigozadza dzimba dzedu nezvinhu zvokupamba, isa mugove wako kwatiri tive nechikwama chimwechete.” Mwanangu, rega kufamba munzira navo usarege tsoka yako ichienda munzira dzavo
Zvirevo 1:10-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, kana ʋatadzi ʋacikugombedzera, Usatenda iwe. Kana ʋaciti: Hendei tose, Ŋgatirindire ropa; Ŋgatiʋandire ʋasinemhoȿa kunyaŋge pasinemhaka. Ŋgatiʋamedze ʋari ʋapenyu seSheori, Ʋari ʋakukutu saiʋo ʋanoɓurukira kugomba. Ticawana fuma yamarudzi mazhinji; Ticazadza dzimba dzeɗu neɀatakapamba; Iwe ucaʋa mumŋe weɗu; Tose ticaʋa necikwama cimŋe cete; Mŋanakomana waŋgu, usafamba naʋo nenzira yaʋo; Dzora rutsoka rwako panzira yaʋo
Zvirevo 1:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)