VaFiripi 3:10-16
VaFiripi 3:10-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake, uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa. Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu. Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi, ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu. Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri. Ngatiraramei bedzi zvinopindirana nezvatakawana.
VaFiripi 3:10-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa. Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira. Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu. Naizvozvo isu tose, takakura, ngative nomwoyo wakadaro; kana imi munomumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo. Asi, ngatirambe tichifamba bedzi nomuraviro iwoyu watasvika nawo patasvika.
VaFiripi 3:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu. Isu tabve zero ngativei nemwoyo iwoyo asi kana musina mwoyo wakadaro, Mwari achakuratidzaiwo pachena izvozvo. Zvakadaro zvazvo ngatirambei takabatisisa zvatinazvo.
VaFiripi 3:10-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; kuti ɀimŋe ndiȿike pakumuka kwaʋakafa. Handiti ndatociwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ko, kuti ɀimŋe ndiciɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira. Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi, ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu. Naiɀoɀo isu tose, takakura, ŋgatiʋe nomŋoyo wakaɗaro; kana imi munomumŋe mŋoyo, Mŋari ucakuratidzai naiɀoɀo ʋo. Asi, ŋgatirambe ticifamba ɓedzi nomurairo iwoyu wataȿika nawo pataȿika.
VaFiripi 3:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)