Firimoni 1:22-25
Firimoni 1:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu. Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai, uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.
Firimoni 1:22-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti muchandipiwa ini nokuda kwokunyengetera kwenyu. Epafirasi, musungwa pamwechete neni muna Kristu, anokukwazisa. NaMako, naArisitakusi, naDhemasi, naRuka, vanobata basa pamwechete neni. Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu.
Firimoni 1:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chimwezve ndechokuti ndigadzirirewo imba yavaenzi nokuti ndinotarisira kuti, ndichibatsirwa neminamato yenyu, ndichadzorerwa kwamuri. Epafurasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu anokukwazisa, uyewo Mariko naAristakusi naDhemasi naRuka vashandipamwe neni. Tenzi Jesu Kristu ngaape chikomborero chenyasha kumweya wenyu.
Firimoni 1:22-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ndigadzirire ʋo pokugara, nokuti ndinotarira kuti mucandipiwa ini nokuɗa kwokunyeŋgetera kwenyu. Epafrasi, musuŋgwa pamŋe cete neni munaKristu, unokukwazisa. NaMarko, naAristarko, naDemasi, naRuka, ʋanoɓate‐ɓasa pamŋe cete neni. Nyasha dzaShe Jesu Kristu ŋgadziʋe nomŋeya wenyu.
Firimoni 1:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)