Firimoni 1:20-22
Firimoni 1:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu. Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira. Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.
Firimoni 1:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hongu, hama, ngandive nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mwoyo wangu muna Kristu. Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura pandinoreva napo. Asi ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti muchandipiwa ini nokuda kwokunyengetera kwenyu.
Firimoni 1:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hongu, hama ndinoda rubatsiro kwauri zvichibva muna Tenzi. Chindifaranutsawo mwoyo muna Kristu. Pane zvokuteerera kwako ndine chivimbo newe. Ndinokunyorera ndichiziva kuti uchatoita zvinopfuura zvandiri kutaura. Chimwezve ndechokuti ndigadzirirewo imba yavaenzi nokuti ndinotarisira kuti, ndichibatsirwa neminamato yenyu, ndichadzorerwa kwamuri.
Firimoni 1:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hoŋo, hama, ŋgandiʋe nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mŋoyo waŋgu munaKristu. Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuterera kwako, ndiciziʋa kuti ucaita ʋo kupfuʋura pandinoreʋa napo. Asi ndigadzirire ʋo pokugara, nokuti ndinotarira kuti mucandipiwa ini nokuɗa kwokunyeŋgetera kwenyu.
Firimoni 1:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)