Obhadhia 1:15-17
Obhadhia 1:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zuva raJehovha rava pedyo kundudzi dzose. Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri; mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo. Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa; dzichanwa nokunwa dzikaita sedzisina kumbovapo. Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa; richava dzvene, uye imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.
Obhadhia 1:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zuva raJehovha raswedera kumarudzi ose; sezvamakaitira vamwe, muchaitirwawo saizvozvo; zvamakaita zvichadzokera pamisoro yenyu. Nokuti sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvo marudzi ose acharamba achinwa; zvirokwazvo, vachanwa, nokumedza, vachaita savasina kumbovapo. Asi pagomo reZioni ndipo pachava navakapukunyuka, richava gomo dzvene; imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.
Obhadhia 1:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chiripo ndechichi chokuti zuva raTENZI riri kuzosvikira marudzi ose avanhu. Zvamunenge maitawo imi ndizvo zvichaitwawo kwamuri, zviito zvenyu zvichakupfukirai nokuti sokudhakwa kwamakaita imi pagomo rangu rinoera, marudziwo ose omunharaunda imomo achararadzawo nawo. Vachanwa zvokudutira vagosara vava kunge vanhu vasina kana kumbovapo zvavo. “Asi muGomo reZioni muchava navanenge vapunyuka uye richava gomo rinoera. Imbawo yokwaJakobho ichatora hayo zvinhu zvayo zvizova mumaoko mayo.
Obhadhia 1:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti zuʋa raJehova rasweɗera kumarudzi ose; seɀamakaitira ʋamŋe, mucaitirwa ʋo saiɀoɀo; ɀamakaita ɀicadzokera pamisoro yenyu. Nokuti seɀamakanwa pagomo raŋgu dɀene, saiɀoɀo marudzi ose acaramba acinwa; ɀirokwaɀo, ʋacanwa, nokumedza, ʋacaita saʋasina‐kumboʋa’po. Asi pagomo reZioni ndi’po pacaʋa naʋakapukunyuka, ricaʋa gomo dɀene; imba yaJakobo icadzoserwa nhaka yayo.
Obhadhia 1:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)