Numeri 13:26-30
Numeri 13:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika. Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo. Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko. VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye nomunzvimbo inotevedza Jorodhani.” Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwidza tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.”
Numeri 13:26-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakasvika kuna Mosesi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo. Vakamuudza, vakati, “Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo. Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki. VaAmareki vagere munyika necheZasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJorodhani.” Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMosesi akati, “Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.”
Numeri 13:26-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vakafamba vakasvika kwaiva naMosesi naAroni navaIsiraeri vose kunzvimbo inonzi Kadheshi iri kurenje reParani. Vakavataurira zvavakanga vaona ivo negungano rose vakavaratidza michero yenyika iyoyo. Vakarondedzera Mosesi vachiti, “Takasvika kunyika yamakatituma. Ichokwadi kuti nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Heino michero yayo yatauya nayo. Asi vanhu vageremo vane simba. Maguta avo makuru kwazvo akanyatsokomberedzwa netsvingo. Kunyange hofori dzorudzi rwavaAnaki takadziona ikoko. Rudzi rwaAmareki rugere nechokumaodzanyemba kwayo. VaHiti navaJebhusi navaAmori vanogara mumakomo. VaKanani vari kumadokero pedyo negungwa nepedyo perwizi rwaJorodhani.” Asi Karebhu akanyaradza vanhu vaiva pana Mosesi achiti, “Handeiko izvozvi, tindoitora. Chokwadi, tinokwanisa kuzviita.”
Numeri 13:26-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Numeri 13:26-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaȿika kunaMosesi naAroni neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, murenje reParani paKadeshi, ʋakaʋaʋudza mashoko nokuʋaratidza iʋo neʋuŋgano yose ɀiɓereko ɀenyika iyo. Ʋakamuʋudza, ʋakati: Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; ɀirokwaɀo inoyerera mukaka noʋuci; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀayo. Asi ʋanhu ʋagere munyika iyo ʋanesimba, maguta akakombga namaȿiŋgo, makuru kwaɀo; ʋuye, takaʋona’po ʋana ʋaAnaki. ƲaAmareki ʋagere munyika neceZasi, naʋaHeti, naʋaJebusi, naʋaAmori ʋagere mumakomo; ʋaKanani ʋagere paguŋgwa, nokurutiʋi rwaJoridani. Ipapo Karebi akanyaradza ʋanhu pamberi paMosesi, akati: Ŋgatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwaɀo kuikunda.