Nehemia 9:5-6
Nehemia 9:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri.” “Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose. Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri maari. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zviri kudenga zvinokunamatai.
Nehemia 9:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo vaRevhi, Jeshua, naKadhimieri, naBhani, naHashabhineya, naSherebhia, naHodhia, naShebhania, naPetahiya vakati, “Simuka, muvonge Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi-peri; zita renyu rinobwinya ngarikudzwe, iro rinokunda kuvonga nokurumbidza kwose.” “Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri.
Nehemia 9:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaRevhi ava vanoti: Jeshua naKadhimieri naBhani naHashabhuneya naSherebhiya naHodhiya naShebhaniya naPetahiya vakati, “Simukai murumbidze Tenzi, Mwari wenyu. Murumbidzei narini narini wose kusvikira nokusingaperi. Ngarirumbidzwe zita renyu rina mukurumbira Riri pamusorosoro chaipoipo pazvose zvinokudzwa kana kurumbidzwa.” “Imi moga ndimi Tenzi. Ndimi makasika matenga nedenga rokumatengatenga negurusvusvu nezvinhu zvaro, nyika nezvose zviri mairi makungwa nezvose zviri maari Imi ndimi munozvichengeta, gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai.
Nehemia 9:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋaRevi, Jeshua, naKadmieri, naBani, naHashabineya, naSherebia, naHodia, naShebania, naPetahiya ʋakati: Simukai, muʋoŋge Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi‐peri; zita renyu rinobginya ŋgarikudzwe, iro rinokunda kuʋoŋga nokurumbidza kwose. Ndimi Jehova, imi moga; imi makaita ɗeŋga, nokuɗeŋgaɗeŋga, nehondo dzaro dzose, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, namakuŋgwa neɀose ɀiri mukati mawo; imi munoceŋgeta ɀose; hondo dzokuɗeŋga dzinonamata kwamuri.
Nehemia 9:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)