Nehemia 9:19-21
Nehemia 9:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nokuda kwengoni dzenyu huru hamuna kuvasiya mugwenga. Shongwe yegore haina kurega kuvatungamirira masikati panzira yavo, shongwe yomoto haina kurega kuvavhenekera usiku panzira yavaifanira kufamba nayo. Makavapa Mweya wenyu wakanaka kuti uvarayire. Hamuna kuvanyima mana yenyu, uye panyota yavo makavapa mvura. Makavararamisa kwamakore makumi mana mugwenga; havana chavakashayiwa, nguo dzavo hadzina kubvaruka uye makumbo avo haana kuzvimba.
Nehemia 9:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kunyange zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo. Makavapawo mweya wenyu wakanaka kuvadzidzisa, mukasanyima miromo yavo mana yenyu, mukavapa mvura kupedza nyota yavo. “Makavararamisa makore makumi mana murenje, vakasashaiwa chinhu; nguo dzavo hadzina kusakara, uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba.
Nehemia 9:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi imi pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda hamuna kuvafuratira murenje. Shongwe yegore yaivatungamirira masikati haina kuvasiya Shongwewo yomoto yaivavhenekera mberi nzira yavaifanira kufamba nayo usiku haina kuvasiya. Makavapa Mweya wenyu wakanaka wokuvadzidzisa, Mana yenyu yokuti vadye hamuna kuvanyima Makavapawo mvura yokupodza nyota yavo. Kwamakore makumi mana makavariritira murenje. Hapana chavaishaya. Hanzu dzavo hadzina kusakara. Makumbo avo haana kuzvimba.
Nehemia 9:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kunyaŋge ɀakaɗaro, hamunakuʋarasha murenje, nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji; shoŋgwe yegore hainakubva pamsoro paʋo masikati, icirega kuʋafambisa panzira, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku, icirega kuʋavenekera nokuʋaratidza nzira yaʋaifanira kufamba nayo. Makaʋapa ʋo mŋeya wenyu wakanaka kuʋadzidzisa, mukasanyima miromo yaʋo mana yenyu, mukaʋapa mvura kupedza nyota yaʋo. Makaʋararamisa makore makumi manna murenje, ʋakasashaiwa cinhu; ŋguʋo dzaʋo hadzina‐kusakara, ʋuye tsoka dzaʋo hadzina‐kuɀimba.
Nehemia 9:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)