Nehemia 8:4-8
Nehemia 8:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Marikiya, Hashumi, Hashibhadhana, Zekaria naMeshurami. Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka. Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi vakanamata Jehovha zviso zvavo zvakatsikitsira pasi. VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhani, Sherebhia, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azaria, Jozabhadhi, Hanani naPeraya vakadzidzisa vanhu Murayiro vanhu vamire ipapo. Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa.

Nehemia 8:4-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake. Ezira akazarura bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka. Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, “Ameni, Ameni,” vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi. Jeshua, naBhani, naSherebhia, naJamini, naAkubhi, naShabhetai, naHodhia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabhadhi, naHanani, naPeraya, navaRevhi vakadudzira vanhu mirairo; vanhu vakaramba vamire panzvimbo yavo. Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, vakanzwisisa zvinorahwa.
Nehemia 8:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ezira nyanzvi yomutemo akamira padara rakanga ravakirwa izvozvi izvi. Vakanga vamire naye kurudyi ndaava vanoti: Matatiya naShema naAnaya naUriya naHirikiya naMaaseya; kuruboshwe: ndiPedhaya naMishaeri naMarikiya naHashumu naHashibhadhana naZekariya naMeshuramu. Ezira akazarura bhuku racho vanhu vose vachiona, nokuti akanga ari nechapamusoro pavanhu vose. Paakangoriti zarurei vanhu vose vakabva vati nyandanu kusimuka. Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota. Kwouya Jeshua naBhani naSherebhiya naJamini naAkubhu naShabhetai naHodhiya naMaaseya naKerita naAzariya naJozabhadhi naHanani naPeraya vokwaRevhi, vakatsanangurira vanhu mutemo iwoyo. Vanhu vakaramba vamire munzvimbo dzavo. Vakanyatsoverenga mubhuku romutemo waMwari, ndokutsanangurira vanhu kuti vanzwisise zvaiverengwa.
Nehemia 8:4-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ezra munyori akamira pakakwirira pakaŋga pakaʋakirwa iɀoɀo namatanda; ʋuye Matitia, naShema, naAnaya, naUria, naHirkiya naMaaseya ʋakamira kurutiʋi rwake rworudyi, naPedaya, naMishaeri, naMarkiya, naHashumi, naHashbadana, naZekaria, naMeshurami ʋakamira kuruɓoshwe rwake. Ezra akazarura buku pamberi paʋanhu ʋose; (nokuti wakaŋga amire kumsoro kwaʋanhu ʋose;) ɀino wakati aciizarura ʋanhu ʋose ndokusimuka. Ipapo Ezra akaʋoŋga Jehova, Mŋari mukuru. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋaciti: Ameni, Ameni, ʋacisimudza maʋoko aʋo; ipapo ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi. Jeshua, naBani, naSherebia, naJamini, naAkubi, naShabetai, naHodia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabadi, naHanani, naPeraya, naʋaRevi ʋakaɗudzira ʋanhu mirairo; ʋanhu ʋakaramba ʋamire panɀimbo yaʋo. Ʋakaraʋa ɀicinzwika kwaɀo mubuku yomurairo waMŋari; ʋakaɀiɗudzira, ʋakanzwisisa ɀinorabga.
Nehemia 8:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)