Nehemia 8:3-6
Nehemia 8:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akauverenga nenzwi guru kubva mangwanani kusvikira masikati, akatarisa chivara chaiva pamberi peSuo reMvura, pamberi pavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Uye vanhu vose vakateerera zvikuru kuBhuku roMurayiro. Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Marikiya, Hashumi, Hashibhadhana, Zekaria naMeshurami. Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka. Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi vakanamata Jehovha zviso zvavo zvakatsikitsira pasi.
Nehemia 8:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaravamo padare rakanga riri pamberi pesuo remvura, kubva mangwanani kusvikira masikati, pamberi pavarume navakadzi navose vakanga vachigona kunzwisisa; nzeve dzavanhu vose dzikateerera mashoko ebhuku yomurayiro. Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake. Ezira akazarura bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka. Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, “Ameni, Ameni,” vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
Nehemia 8:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akariverenga akatarisa munhandare iri pamberi pesuo guru rokumvura kubvira kuchangoedza kudzamara masikati makuru munzeve dzavarume navakadzi nevaigona kunzwisisa, izvozvo vanhu vose vakanga vakateya kwazvo nzeve kunzwa bhuku romutemo. Ezira nyanzvi yomutemo akamira padara rakanga ravakirwa izvozvi izvi. Vakanga vamire naye kurudyi ndaava vanoti: Matatiya naShema naAnaya naUriya naHirikiya naMaaseya; kuruboshwe: ndiPedhaya naMishaeri naMarikiya naHashumu naHashibhadhana naZekariya naMeshuramu. Ezira akazarura bhuku racho vanhu vose vachiona, nokuti akanga ari nechapamusoro pavanhu vose. Paakangoriti zarurei vanhu vose vakabva vati nyandanu kusimuka. Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota.
Nehemia 8:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaraʋa’mo paɗare rakaŋga riri pamberi pesuʋo remvura, kubva maŋgwanani kuȿikira masikati, pamberi paʋarume naʋakadzi naʋose ʋakaŋga ʋacigona kunzwisisa; nzeʋe dzaʋanhu ʋose dzikaterera mashoko ebuku yomurairo. Ezra munyori akamira pakakwirira pakaŋga pakaʋakirwa iɀoɀo namatanda; ʋuye Matitia, naShema, naAnaya, naUria, naHirkiya naMaaseya ʋakamira kurutiʋi rwake rworudyi, naPedaya, naMishaeri, naMarkiya, naHashumi, naHashbadana, naZekaria, naMeshurami ʋakamira kuruɓoshwe rwake. Ezra akazarura buku pamberi paʋanhu ʋose; (nokuti wakaŋga amire kumsoro kwaʋanhu ʋose;) ɀino wakati aciizarura ʋanhu ʋose ndokusimuka. Ipapo Ezra akaʋoŋga Jehova, Mŋari mukuru. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋaciti: Ameni, Ameni, ʋacisimudza maʋoko aʋo; ipapo ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi.
Nehemia 8:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)