Nehemia 8:10
Nehemia 8:10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”
Nehemia 8:10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akati kwavari, “Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu; nokuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.”
Nehemia 8:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akavati, “Chiendai zvenyu munodya kudya kwakanaka, munwe zvenyu waini inonaka, mupewo vasina chavanacho chakagadzirirwa, nokuti zuva ranhasi izuva raTenzi wedu rinoera. Musasuruvare nokuti rufaro rwaTenzi ndiro simba renyu.”
Nehemia 8:10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akati kwaʋari: Endai henyu, mudye ɀakakora, nokunwa ɀinozipa, mugotumira ʋo migoʋe kunaʋasina‐kugadzirirwa cinhu; nokuti zuʋa rino idɀene kunaShe weɗu; musaʋa neshuŋgu, nokuti mufaro waJehova isimba renyu.
Nehemia 8:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)