Nehemia 7:1-2
Nehemia 7:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti zvino rusvingo rwavakwa kudaro, ndaisawo magonhi acho navachengetedzi vapamisuo mikuru, navaimbi navaRevhi vasarudzwa, ndakapa munun'una wangu Hanani naHananiya mutongi wakamuzinda kavarwi vehondo basa rokuona nezveJerusaremu pamusana pokuti aiva munhu ari pachokwadi uye anotya Mwari kupinda vazhinji.
Nehemia 7:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa. Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti aiva munhu anokudzwa uye aitya Mwari kupinda zvingaitwa noruzhinji rwavanhu.
Nehemia 7:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa, ndikagadza Hanani munun'una wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nokuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji.
Nehemia 7:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ruȿiŋgo rwakati rwaʋakwa, ini ndatimika magonhi, ʋuye ʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋaRevi ʋagadzwa, ndikagadza Hanani munuŋuna waŋgu, naHanania muɓati wenhare, ʋaʋe ʋatariri ʋeJerusarema; nokuti wakaŋga ari munhu wakatendeka, acitya Mŋari kupfuʋura ʋazhinji.
Nehemia 7:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)