Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 12:27-43

Nehemia 12:27-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara vakauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro, nenziyo dzokuvonga, uye nokuimba, vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati; nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema. Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo. Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova weNdove. Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera, pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami, Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia, pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi, nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, Nataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi. Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva. Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama, napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi. Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati, navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo, uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikiya, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia. Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema akanzwika kure kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 12

Nehemia 12:27-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeranwa nembira. Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati; napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu. Zvino vapristi navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo. Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; rimwe rakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara; shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha, naAzaria, naEzira, naMeshurami, naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya, navamwe vanakomana vavapristi vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi; nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo; vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatano eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva. Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi; napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai; vakamira pasuo ravarindi. Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri, navapristi Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda; naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo. Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 12

Nehemia 12:27-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakuteketererwa kuna Mwari kwakaitwa rusvingo rweJerusaremu, vakakokorodza vaRevhi kunzvimbo dzavo dzose vachiunza muJerusaremu kuzopembera nokufarira kuteketerera kuna Mwari ikoku vachimutenda vachiimba vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani. Vanakomana vevaimbi vakaungana pamwechete vachibva munharaunda yeJerusaremu nokumisha yevanhu vokuNetofa nevaibvawo kuBhetigirigari nokuruwa rweGebha nokuAzimavheti. Chakanga chavepo ndechokuti, vaimbi vakanga vazvivakira misha munharaunda yeJerusaremu. Vapristi nevaRevhi vakazvichenura vakabva vachenurawo vanhu nemisuo mikuru norusvingo. Ndakazokwidza machinda emaJudha umu parusvingo ndikasarudza mapoka maviri evanhu vakuru vaiva vari vokuzotenda Mwari vakaita dungwerungwe kuenda. Rimwe boka rakaenda kurudyi kwacho riri pamusoro porusvingo ipapo rakananga kusuo guru rokuMarara richiteverwa mushure naHoshaya pamwechete nechimwe chikamu chamachinda emaJudha umu ava vanoti: Azariya naEzira naMeshuramu naJudha naBhenjamini naShemaya naJeremiya nevamwe vanakomana vevapristi vaine mabhosvo ava vanoti: Zekariya mwanakomana waJonatani Jonatani mwana waShemaya Shemaya ari mwana waMataniya Mataniya ariwo mwana waMikaya Mikaya akaberekwa naZakuri Zakuri aberekwa naAsafu nehama dzake dzomumba dzinoti: Shemaya naAzareri naMirarai naGirarai naMaai naNetaneri naJudha naHanani. Vaine zvokuimbisa zvinoridzwa zviya zvaDhavhidhi munhu waMwari, Ezira nyanzvi yomutemo iya, ndiye aivatungamirira. Kusuo guru reChisipiti, vakati tande kuenda vakananga kumberi kwavo vachikwidza napamadanho rapaGuta raDhavhidhi pamukwidza worusvingo nechepamusoro pemba yaDhavhidhi vachienda kusuo guru rokuMvura kumabvazuva. Rimwewo boka ravaya vokutenda Mwari rakaenda kurubhoshwe. Ndakavatevera nechimwe chikamu chavanhu pamusoro porusvingo ipapo nochokumusoro kweNharire yeZvoto takananga kurusvingo Rwakapamhama napamusoro pesuo guru rokwaEfuremu nepasuo guru reChinyakare nepasuo guru reHove nokuNharire yokwaHananeri nokunharire yeZana nokusuo guru reHwai. Vakazosvikomirira pasuo guru revaGaririri. Nokudaro mapoka maviri aye okutenda Mwari, akamira mumba maMwari, izvozvo ndakanga ndine chimwe chikamu chavakuru vakuru chevapristi vaiva namabhosvo ava vaiti: Eriyakimu naMaaseya naMiniamini naMikaya naErieonai naZekariya naHananiya kwozouyawo Maaseya naShemaya naEreazaru naUzi naJehoHanani naMarikiya naEramu naEzero. Vaimbi vakaimba zvokunzwika zviye vachitungamirirwa naJezirahiya. Vakapira zvibayiro zvikuru musi iwoyo vakafara zvikuru kwazvo nokuti Mwari akanga aita kuti vafare chaizvo zvokufara zviya. Vakadzi navana vakazofarawo. Kufara kweJerusaremu kukanzwika kure kure.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 12

Nehemia 12:27-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino pakutsaurira kwaʋo Jehova ruȿiŋgo rweJerusarema, ʋakandotȿaka ʋaRevi pose paʋakaŋga ʋagere, ʋakaʋuya naʋo Jerusarema, kuti ʋatsaure nomufaro, nokuʋoŋga nokuimba, nokuridza makandira nemiteŋgeranwa nembira. Ʋanakomana ʋaʋaimbi ʋakaʋuŋgana pamŋe cete ʋacibva kumapani akapoteredza Jerusarema, nokumisha yaʋaNetofati; napaBeti‐girgari, naparuwa rweGeba neAzmaveti; nokuti ʋaimbi ʋakaŋga ʋaɀiʋakira misha pamatiʋi ose eJerusarema. Ɀino ʋaprista naʋaRevi ʋakaɀinatsa, ndokunatsa ʋo ʋanhu, namasuʋo, noruȿiŋgo. Ipapo ndakakwidza macinda aʋaJuda pamsoro poruȿiŋgo, ndikaraira mapoka makuru maʋiri ʋakaʋoŋga ʋacifamba ʋakaita muɗuŋgwe; rimŋe rakafamba kurutiʋi rworudyi pamsoro poruȿiŋgo, ʋacienda kusuʋo ramarara; shure kwaʋo kwakafamba Hosaya, nehafu yamacinda aJuda, naAzaria, naEzra, naMeshurami, naJuda, naBenjamini, naShemaya, naJeremia, naʋamŋe ʋanakomana ʋaʋaprista ʋanehwamanda: Zekaria mŋanakomana waJonatani, mŋanakomana waShemaya, mŋanakomana waMatania, mŋanakomana waMikaya, mŋanakomana waZakuri, mŋanakomana waAsafi; nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJuda, naHanani ʋaneɀokuridza ɀaDavidi munhu waMŋari; Ezra munyori wakaŋga ari pamberi paʋo; ʋakafamba napasuʋo retsime, ʋakarurama, ndokukwira namatano eguta raDavidi, pamukwidzwa woruȿiŋgo, pamsoro peimba yaDavidi, kuȿikira pasuʋo remvura, kumabvazuʋa. Rimŋe ɓoka raʋaʋoŋgi rakandosoŋgana naʋo, ini ndiciʋateʋera, ndinehafu yaʋanhu pamsoro poruȿiŋgo, pamsoro peshoŋgwe yamaʋira, kuȿikira paruȿiŋgo rupamhi; napamsoro pesuʋo raEfraimi, napasuʋo rekare, napasuʋo rehoʋe, neshoŋgwe yaHananeri, neshoŋgwe yaHamea, kuȿikira pasuʋo ramakwai; ʋakamira pasuʋo raʋarindi. Mapoka maʋiri aʋaʋoŋgi ʋakamira saiɀoɀo paimba yaMŋari, neni nehafu yaʋatariri, naʋaprista Eriakimi, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErioenai, naZekaria, naHanania, ʋanehwamanda; naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarkija, naErami, naEzeri. Ʋaimbi ʋakaimbisa kwaɀo, ʋanaJezrahia mutariri waʋo. Ʋakaɓayira ɀiɓayiro ɀikuru nezuʋa iro, ʋakafara; nokuti Mŋari wakaŋga aʋafadza nomufaro mukuru; naʋakadzi ʋo naʋana ʋakafara; naiɀoɀo mufaro weJerusarema wakanzwika kure.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 12

Nehemia 12:27-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)