Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 11:1-21

Nehemia 11:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo. Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema. Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana, kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema): Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti: Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi; naMaaseya mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKori-Hoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekaria, chizvarwa chaShera. Zvizvarwa zvaPerezi avo vaigara muJerusarema vaiva mazana mana namakumi matanhatu navasere vaiva varume voumhare. Vaibva kuzvizvarwa zvaBhenjamini vaiti: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya, nevaimutevera vaiti Gabhai naSarai, vaiva varume vanosvika mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere. Joere mwanakomana waZikiri akanga ari mukuru wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua, aiva pamusoro peDunhu reChipiri reguta. Vaibva kuvaprista ndeava: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi naJakini; Seraya mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mutariri weimba yaMwari, nehama dzavo, avo vakaenderera mberi nebasa retemberi, vaiva varume vana mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPeraria, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikiya, nehama dzake vaiva vakuru vedzimba, varume mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashisai mwanakomana waImeri, nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere. Mutariri wavo mukuru aiva Zadhidhieri mwanakomana waHagedhorimi. Vaibva kuvaRevhi ndeava: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni; Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari; Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera; Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake; naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni. VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana. Vachengeti vamasuo: Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta masuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri. Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake. Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 11

Nehemia 11:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu, iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta. Vanhu vakarumbidza varume vose vakatenda nomwoyo wavo kugara Jerusaremu. Zvino ndivo vakuru vorutivi rwenyika vakanga vagere Jerusaremu; asi pamaguta aJudha mumwe nomumwe akagara panzvimbo yake pamaguta avo, ivo vaIsiraeri, navapristi, navaRevhi, navaNetinimi, navana vavaranda vaSoromoni. PaJerusaremu ndipo pakagara vamwe vavana vaJudha, navavana vaBhenjamini. Vana vaJudha ava: Ataya, mwanakomana waUziya, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri wavana vaPerezi; naMaaseya, mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana womuShironi. Vanakomana vose vaPerezi vakanga vagere Jerusaremu vakasvika mazana mana namakumi matanhatu navasere, varume voumhare. Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya. Tevere Gabhai, naSarai, mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere; naJoeri, mwanakomana waZikiri akanga ari mutariri wavo, naJudha, mwanakomana waHasenua, mutariri wechipiri paguta. Vavapristi: Jedhaya, mwanakomana waJoyaribhi, naJakini, Seraya, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati weimba yaMwari, nehama dzavo dzaibata mabasa paimba iyo, vakasvika mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya, mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPeraira, mwanakomana waAmizi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija, nehama dzake, vakuru vedzimba dzamadzibaba, mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashi, mwanakomana waAzareri, mwanakomana waAzai, mwanakomana waMeshiremoti, mwanakomana waImeri, nehama dzavo, varume vane simba noumhare, zana namakumi maviri navasere; mutariri wavo akanga ari Zabhidhieri, mwanakomana waHagedhorimi. Uye vaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni; naShabhetai naJozabhadhi, vavakuru vavaRevhi, vaitarira mabasa okunze eimba yaMwari; naMatania, mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, iye mukuru akatanga kuvonga pakunyengetera, naBhakibhukia, mukuru wechipiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni. VaRevhi vose paguta dzvene vakanga vana mazana maviri namakumi masere navana. Uye varindi vemikova, Akubhi, naTarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vakanga vane zana rimwe namakumi manomwe navaviri. Vamwe vakasara vavaIsiraeri, vavapristi navaRevhi vakagara pamaguta ose aJudha; mumwe nomumwe panhaka yake. Asi vaNetinimi vakagara paOferi; Ziha naGishipa vakanga vari vatariri vavaNetinimi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 11

Nehemia 11:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vatungamiriri vavanhu vaigara muJerusaremu. Vamwe vanhu vose vaitoita zvokusarudza nechin'ange munhu mumwechete pagumi ravanhu wokundogara muJerusaremu raiva riri iro guta rinoera, vamwe vapfumbamwe ava vachigara muna mamwe maguta. Vanhu vakarumbidza varume vakazvipira zvavo kundogara muJerusaremu. Ava ndivo madzishe enyika iyi aigara muJerusaremu asi mumaguta okwaJudha munhu wose aigara pamusha pake mumaguta avo imomo. Paiva navaIsiraeri navapristi nevaRevhi navashandi vapaTemberi navana vavaranda vaSoromoni. MuJerusaremu maigarawo vamwe vanakomana vokwaJudha navamwe vanakomana vokwaBhenjamini. Kuvanakomana vokwaJudha paiva: naAtaya mwanakomana waUziya, Uziya mwana waZekariya, Zekariya mwanawo waAmariya, Amariya akaberekwa naShefatiya Shefatiya mwanakomana waMaharareri Mahararerei mwana waFeresi naMaaseya mwanakomana waBharuku Bharuki akaberekwa naKoruhozeni, Koruhozeni mwana waHazaya, Hazaya mwanawo waAdhaya Adhaya mwanakomana waJoyaribhu, Joyaribhu akaberekwa naZekariya ari mwanakomana womunhu wokuShiro. Vanakomana vose vokwaPeresi, vaigara muJerusaremu vaiva varume mazana mana ana makumi matanhatu navasere dziri mvumba chaidzo dzokurwa hondo. Ava ndivo vanakomana vedzinza rokwaBhenjamini: kwaiti, Saru mwanakomana waMeshuramu Meshuramu ari mwanakomana waPedhaya, Pedhaya ari mwanakomana waKoraya Koraya mwanakomana waMaaseya Maaseya wakaberekwa naItieri, Itieri mwanakomana waJeshaya. Saru uyu aitevedzerwa naGabhai naSarai vari mazana mapfumbamwe avanhu ana vanhu makumi maviri navasere. Joeri mwanakomana waZikiri ndiye aiva mutariri mukuru wokuona nezvavo. Judha mwanakomana waHasenua aiva mutevedzeri womutongi weguta iri. Kuvapristi kwaiva naava vanoti: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhu uye Jakini naSeraya mwanakomana waHirikiya; Hirikiya uyu mwanakomana waMeshuramu, Meshuramu akaberekwa naZadhoki, Zadhoki ari mwana waMerayoti, Merayoti mwanakomana waAhitubhu mutongi wapamba paMwari. Nehama dzavo vaiva vari vokuita basa rapamba ipapo vakanga vari mazana masere namakumi maviri ana vaviri kwouya Adhaya mwanakomana waJehoramu Jehoramu mwana waPerariya Perariya ari mwanawo waAmuzi Amuzi ari waZekariya Zekariya ariwo waPashihuru Pashihuru mwanakomana waMarikiya nehamawo dzake, vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba acho vari mazana maviri ane makumi mana navaviri kwozouya Amashisai mwanakomana waAzareri. Azareri mwana waAhizai Ahizai ari mwana waMeshiremoti Meshiremoti akaberekwawo naImero nehama dzavowo mvumba chaidzo dzevarume magamba chaiwo okurwa hondo vari zana namakumi maviri ana vasere, mutariri wavo ari Zabhudhieri mwanakomana waHagedhorimu. KuvaRevhi kwaivawo naava vanoti: Shemaya mwanakomana waHashubhu Hashubhu mwana waAzirikamu Azirikamu ari mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari waBhuni Bhuni naShabhetai naJozabhadhi vamwe vevakuru vakuru vevaRevhi vaiona nezvebasa rokunze repamba yaMwari kwouyawo Mataniya mwanakomana waMika, Mika mwana waZabhudhi Zabhudhi mwanakomana waAsafu aiva mutungamiriri wokuvamba munamato wokutenda uyewo Bhakibhukiya mwana wechipiri pakati pehama dzake kwozouya Abhudha mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari, Garari mwanakomana waJedhutuni. VaRevhi vomuGuta Rinoera iri vose vaiva mazana maviri namakumi masere ana vana. Vachengetedzi vepamisuo mikuru, vana Akubhu naTarimoni nehama dzavo, vakanga vari vokuchengetedza pamisuo mikuru, vaiva zana revanhu rine vanhu makumi manomwe navaviri. Vamwe vose veIsiraeri navamwe vose vevapristi navavaRevhi vaiva mune mamwe maguta ose amaJudha munhu wose agere pake penhaka. Asi vashandi vepaTemberi vaigara paOferu, Ziha naGishipa ndovaiva vakuru vakuru vevashandi vepaTemberi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 11

Nehemia 11:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino macinda aʋanhu akagara Jerusarema; ʋamŋe ʋanhu ʋakakanda mijenya ʋo kuti mumŋe pagumi rimŋe nerimŋe agare Jerusarema, iro guta dɀene, asi ʋamŋe ʋapfumbamŋe panamamŋe maguta. Ʋanhu ʋakarumbidza ʋarume ʋose ʋakatenda nomŋoyo waʋo kugara Jerusarema. Ɀino ndiʋo ʋakuru ʋorutiʋi rwenyika ʋakaŋga ʋagere Jerusarema; asi pamaguta aJuda mumŋe nomumŋe wakagara panɀimbo yake pamaguta aʋo, iʋo ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaNetinimi, naʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni. PaJerusarema ndipo pakagara ʋamŋe ʋaʋana ʋaJuda, naʋaʋana ʋaBenjamini. Ʋana ʋaJuda aʋa: Ataya mŋanakomana waUzia, mŋanakomana waZekariya, mŋanakomana waAmaria, mŋanakomana waShefatia, mŋanakomana waMaharareri waʋana ʋaPerezi; naMaaseya mŋanakomana waBaruki, mŋanakomana waKori‐hoze, mŋanakomana waHazaya, mŋanakomana waAdaya, mŋanakomana waJoyaribi, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana womuShironi. Ʋanakomana ʋose ʋaPerezi ʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakaȿika mazana manna namakumi matanhatu naʋasere, ʋarume ʋoʋumhare. Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini: Saru mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waJoedi, mŋanakomana waPedaya, mŋanakomana waKoraya, mŋanakomana waMaaseya, mŋanakomana waItieri, mŋanakomana waJeshaya. Teʋere Gabai, naSarai, mazana mapfumbamŋe namakumi maʋiri naʋasere; naJoeri mŋanakomana waZikri wakaŋga ari mutariri waʋo, naJuda mŋanakomana waHasenua, mutariri wecipiri paguta. Ʋaʋaprista: Jedaya mŋanakomana waJoyaribi, naJakini, Seraya mŋanakomana waHirkia, mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waZadoki, mŋanakomana waMerayoti, mŋanakomana waAhitubi, muɓati weimba yaMŋari, nehama dzaʋo dzaiɓata maɓasa paimba iyo, ʋakaȿika mazana masere namakumi maʋiri naʋaʋiri; naAdaya mŋanakomana waJerohami, mŋanakomana waPeraria, mŋanakomana waAmzi, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waPashuri, mŋanakomana waMarkija, nehama dzake, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, mazana maʋiri namakumi manna naʋaʋiri; naAmashai mŋanakomana waAzareri, mŋanakomana waAzai, mŋanakomana waMeshiremoti, mŋanakomana waImeri, nehama dzaʋo, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, zana namakumi maʋiri naʋasere; mutariri waʋo wakaŋga ari Zabdieri mŋanakomana waHagedorimi. Ʋuye ʋaRevi: Shemaya mŋanakomana waHashubi, mŋanakomana waAzrikami, mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waBuni; naShabetai naJozabadi, ʋaʋakuru ʋaʋaRevi, ʋaitarira maɓasa okunze eimba yaMŋari; naMatania mŋanakomana waMika, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waAsafi, iye mukuru wakataŋga kuʋoŋga pakunyeŋgetera, naBakbukia mukuru wecipiri pakati pehama dzake; naAbda mŋanakomana waShamua, mŋanakomana waGarari, mŋanakomana waJedutuni. ƲaRevi ʋose paguta dɀene ʋakaŋga ʋanamazana maʋiri namakumi masere naʋanna. Ʋuye ʋarindi ʋemikoʋa, Akubi, naTarmoni, nehama dzaʋo, ʋairinda pamikoʋa, ʋakaŋga ʋanezana rimŋe namakumi manomŋe naʋaʋiri. Ʋamŋe ʋakasara ʋaʋaIsraeri, ʋaʋaprista naʋaRevi ʋakagara pamaguta ose aJuda; mumŋe nomumŋe panhaka yake. Asi ʋaNetinimi ʋakagara paOferi; Ziha naGishpa ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋaʋaNetinimi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 11

Nehemia 11:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)