Nehemia 1:4-11
Nehemia 1:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pandakanzwa zvinhu izvi, ndakagara pasi ndikachema. Ndakaita mazuva ndichichema, ndichinyengetera uye ndichitsanya pamberi paMwari wokudenga. Ipapo ndakati: “Haiwa Jehovha, Mwari wokudenga, Mwari mukuru uye anotyisa anochengeta sungano yake yorudo naavo vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake, nzeve yenyu ngaiteerere uye meso enyu asvinure kuti munzwe munyengetero womuranda wenyu wandinonyengetera pamberi penyu masikati nousiku nokuda kwavaranda venyu, vanhu veIsraeri. Takaita zvakaipa kwazvo pamberi penyu. Hatina kuteerera zvamakarayira, mitemo yenyu nemirayiro yamakapa Mozisi muranda wenyu. “Rangarirai zvamakarayira muranda wenyu Mozisi, muchiti, ‘Kana musina kutendeka, ndichakuparadzirai pakati pendudzi, asi kana mukadzokera kwandiri uye mukateerera zvandakarayira, ipapo kunyange kana vakatapwa vavanhu venyu vari kumagumo edenga, ndichavaunganidza vabveko ndigovauyisa kunzvimbo yandakasarudza kuti ive ugaro hweZita rangu.’ “Varanda venyu nevanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru uye noruoko rwenyu rune simba. Haiwa Jehovha, nzeve yenyu ngainzwe munyengetero womuranda wenyu uyu nomunyengetero wavaranda venyu vanofarira kukudza zita renyu. Itai kuti muranda wenyu abudirire nhasi uye mumupe nyasha pamberi pomurume uyu.” Ndakanga ndiri mudiri wamambo.
Nehemia 1:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga ndichiti, “Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari mukuru anotyisa anochengeta chitenderano chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu. Tarisaiwo nemeso enyu muone, murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati ndichinamatira vanhu veIsiraeri varanda venyu ndichireurura zvitadzo zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo, zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri yokwangu, takatadza. Takakutadzirai zvokutadza zviya. Hatina kuchengeta mitemo nemirao nezvirevo zvamakaudza muranda wenyu Mosesi. Moyeukawo chirevo chamakareva kune muranda wenyu Mosesi muchiti, ‘Kana imi mukazova vanhu vasina kutendeka, ini ndichazokumwararidzai mukati memarudzi. Asi mukange mazotendeukira kwandiri mukateerera mitemo yangu moichengeta kunyange zvazvo manga makamwararidzirwa kure kwakaperera denga chaiko; ndichazovakokorodza ikoko ndouya navo kunzvimbo yandakasarudza kuti ndiise zita rangu ipapo.’ Varanda venyu ava, vanhu venyu vamakanunura namasimba enyu makuru noruoko rune simba. Nhai Tenzi rerekeraiwo nzeve yenyu kumunamato weni muranda wenyu nokumunamato wavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu. Muitewo kuti ini muranda wenyu ndibudirire nhasi uno, mupewo kuti ndiitirwe tsiye nyoro nomurume iyeyu.” Izvozvo ndini ndaiva wokuona nezvewaini yokwamambo.
Nehemia 1:4-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikazvinyima zvokudya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga, ndikati, “Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake; nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu. Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mosesi. Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mosesi, muchiti, ‘Kana muchidarika, ndichakuparadzirai pakati pendudzi; asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nokuiita, kunyange vadzingwa venyu vasvika kumagumisiro okudenga, ndichavaunganidza vabve ipapo, ndivaise panzvimbo yandakatsaura kuti zita rangu rigarepo.’ “Zvino ava ndivaranda venyu navana venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba. Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera kwomuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu.” (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)
Nehemia 1:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga ndichiti, “Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari mukuru anotyisa anochengeta chitenderano chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu. Tarisaiwo nemeso enyu muone, murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati ndichinamatira vanhu veIsiraeri varanda venyu ndichireurura zvitadzo zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo, zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri yokwangu, takatadza. Takakutadzirai zvokutadza zviya. Hatina kuchengeta mitemo nemirao nezvirevo zvamakaudza muranda wenyu Mosesi. Moyeukawo chirevo chamakareva kune muranda wenyu Mosesi muchiti, ‘Kana imi mukazova vanhu vasina kutendeka, ini ndichazokumwararidzai mukati memarudzi. Asi mukange mazotendeukira kwandiri mukateerera mitemo yangu moichengeta kunyange zvazvo manga makamwararidzirwa kure kwakaperera denga chaiko; ndichazovakokorodza ikoko ndouya navo kunzvimbo yandakasarudza kuti ndiise zita rangu ipapo.’ Varanda venyu ava, vanhu venyu vamakanunura namasimba enyu makuru noruoko rune simba. Nhai Tenzi rerekeraiwo nzeve yenyu kumunamato weni muranda wenyu nokumunamato wavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu. Muitewo kuti ini muranda wenyu ndibudirire nhasi uno, mupewo kuti ndiitirwe tsiye nyoro nomurume iyeyu.” Izvozvo ndini ndaiva wokuona nezvewaini yokwamambo.
Nehemia 1:4-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikacema, ndikaita mazuʋa ndicicema; ndikaɀinyima ɀokudya, ndikanyeŋgetera pamberi paMŋari wokuɗeŋga, ndikati: Ndinokumbira kwamuri Jehova Mŋari wokuɗeŋga, Mŋari mukuru unotyisa, iye unoraŋgarira suŋgano yake netsitsi kunaʋanomuɗa ʋaciceŋgeta mirairo yake; nzeʋe yenyu ŋgaiterere ɀino, nameso enyu aȿinure, munzwe munyeŋgetero womuranda wenyu, wandinonyeŋgetera pamberi penyu, ŋguʋa ino, masikati noʋusiku, pamsoro paʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋenyu, ndicireʋurura ɀiʋi ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀatakakutadzirai naɀo; nokuti takatadza, ini naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Takakuitirai ɀakaipa kwaɀo, hatina‐kuceŋgeta mirairo, kana ɀakatemŋa, kana ɀakatoŋgwa, ɀamakaraira muranda wenyu Mosesi. Ƌoraŋgarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mosesi, muciti: Kana muciɗarika, ndicakuparadzirai pakati pendudzi; asi kana mukadzokera kwandiri, mukaceŋgeta mirairo yaŋgu nokuiita, kunyaŋge ʋadziŋgwa ʋenyu ʋaȿika kumagumisiro okuɗeŋga, ndicaʋaʋuŋganidza ʋabve ipapo, ndiʋaise panɀimbo yandakatsaura kuti zita raŋgu rigare’po. Ɀino aʋa ndiʋaranda ʋenyu naʋana ʋenyu, ʋamakadzikinura nesimba renyu guru, noruʋoko rwenyu runesimba. Haiwa, Jehova, ndinokumbira kuti nzeʋe yenyu iterere kunyeŋgetera kwomuranda wenyu nokunyeŋgetera kwaʋaranda ʋenyu ʋanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu ɀakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu. (Ɀino ini ndakaŋga ndiri muɗiri wamambo.)