Nehemia 1:1-2
Nehemia 1:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mashoko aNehemia mwanakomana waHakaria: Mumwedzi waKisirevhi mugore ramakumi maviri, pandainge ndiri panhare yeSusa, Hanani, mumwe wehama dzangu, akauya achibva kuJudha navamwe varume, ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakasara avo vakapunyuka pakutapwa, uyewo napamusoro peJerusarema.
Nehemia 1:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakaria. Pamwedzi weKisirevhi, pagore ramakumi maviri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani, Hanani, mumwe wehama dzangu, akasvika iye navamwe varume, vachibva kwaJudha; ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusaremu.
Nehemia 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino idzi ndidzo nyaya dzaNehemiya mwanakomana waHakariya. Zvino zvakaitika kuti mumwedzi waKisirevhu mugore rechimakumi maviri ndiri muguta guru reSusa, hama yangu Hanani akasvikako achibva kwaJudha aina vamwe varume. Ini ndakamubvunza nezvevaJudha vakanga vachiri vapenyu vaye vakapunyuka muutapwa uyewo nezveJerusaremu.
Nehemia 1:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mashoko aNehemia mŋanakomana waHakaria. Pamŋedzi weKisrevi, pagore ramakumi maʋiri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani, Hanani, mumŋe wehama dzaŋgu, akaȿika iye naʋamŋe ʋarume, ʋacibva kwaJuda; ndikaʋabvunza pamsoro paʋaJuda ʋakaŋga ʋapukunyuka, ʋakaŋga ʋasara pakutapxa, napamsoro peJerusarema.
Nehemia 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)