Nahumi 1:1-6
Nahumi 1:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi. Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva; Jehovha anotsiva uye azere nehasha. Jehovha anotsiva kuvavengi vake uye anochengetera vavengi vake hasha dzake. Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiye ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake. Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera. Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi. Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake.
Nahumi 1:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chirevo chaMwari pamusoro peNinivhe. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi. “Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake. Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake. Anotuka gungwa, achiri omesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba. Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo. Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye.
Nahumi 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chirevo chinonangana neNinivhe. Bhuku rezvakaoneswa Nahumu wokuErikoshi. Tenzi ndiMwari weshanje anotsividza, Tenzi anotsividza, anoviruka nehasha, Tenzi anotsividza vavengi vake, anodzvokora vavengi vake. Tenzi haakurumidzi kushatirwa asi simba anaro guru uye Tenzi haaregi kuranga munhu ane mhosva. Muchamupupuri nedutu remhepo ndimo mune nzira yake makore ari huruva yetsoka dzake. Anotsiura gungwa achiriomesa anopwisa nzizi dzose kuBhashani nokuKarimero kuchisvava pfumvudza yeRebhanoni ichinava. Pamberi pake makomo anodedera zvikomo zvichinyongodeka, pamberi pake nyika inonyandurwa, pasi pose nezvose zvigere mairi. Ndiani chaizvo angamirisane nehasha dzake? Chaizvo ndiani angapamire paanenge aviruka nehasha? Hasha dzake dzinoita zvokuviruka somoto matombo achitsemurwa-tsemurwa naye.
Nahumi 1:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cireʋo caMŋari pamsoro peNineve. Buku yeɀakaʋonekwa naNahumi muErkoshi. Jehova ndiye Mŋari unegoɗo, unotsiʋa; Jehova unotsiʋa, uzere nehasha; Jehova unotsiʋa ʋadziʋisi ʋake, unoceŋgetera ʋaʋeŋgi ʋake hasha dzake. Jehova haakurumidzi kutsamŋa, unesimba guru, haaŋgatoŋgopembedzi unemhoȿa; nzira yaJehova iri pakati pecampupuri neɗutu, makore iguruʋa retsoka dzake. Unotuka guŋgwa, aciriwomesa, unopxisa nzizi dzose; Bashani rinoshaiwa siniba, ʋuye Karmeri, ruʋa reRebanoni rinoshaiwa simba. Makomo anoɗeɗera pamberi pake, ɀikomo ɀinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, ɀirokwaɀo, iyo nyika naʋose ʋagere’po. Ndiani uŋgamira pamberi pehasha dzake? Ndiani uŋgaramba amire pakutsamŋa kwake kukuru? Hasha dzake dzakaɗururwa somŋoto, matombo akaputsanyiwa naye.
Nahumi 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)