Mako 9:42-50
Mako 9:42-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make. Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, uko “ ‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’ Munhu wose acharungwa nomoto. “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”
Mako 9:42-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, akandirwe mugungwa. Kana ruoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, una maoko maviri. [ Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] Kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri. Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto. “Nokuti mumwe nomumwe acharungwa nomoto. “Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”
Mako 9:42-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, akandirwe muguŋgwa. Kana ruʋoko rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, pakuenda muGehena, mumŋoto usiŋgadzimŋi, unamakumbo maʋiri. [ Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] Kana rutsoka rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu ucikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] Kana ziso rako ricikugumbusa, urirashe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋushe bgokuɗeŋga uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena, unameso maʋiri. Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto. Nokuti mumŋe nomumŋe ucaruŋgwa nomŋoto. Munyu wakanaka; asi kana munyu usicaʋaʋi, muŋgauruŋga neiko? Iʋai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.