Mako 6:7-12
Mako 6:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa. Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu. Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri. Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro. Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.” Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke.
Mako 6:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa; akavarayira kuti “Varege kutongotora zvomunzira, asi mudonzvo bedzi; varege kutora chingwa, nehombodo, nemari muchikwama. Asi vapfeke shangu, varege kupfeka nguo mbiri.” Akati kwavari; “Pose pamunopinda mumba, mugaremo, kusvikira muchibvapo. Pose pavasingakugamuchirii nokukunzwai, kana muchibvapo, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.” Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendeuke.
Mako 6:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akadaidza vane gumi navaviri kwaari ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri achivapawo simba pamusoro pemweya yetsvina. Akavaudza kuti varege kutakura chinhu parwendo rwavo kusiya tsvimbo chete, varege kutakura chingwa kana tsapo kana mari zvayo mumindya yavo. Shangu vangapfeka zvavo, asi vagorega kupfeka hanzu mbiri. Akatizve kwavari, “Kwose kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mazobvako. Panzvimbo ipi neipi pavasingakugamuchirei kana pavasingakuteererei, pakubvapo kwenyu, gumai guruva retsoka dzenyu kuti rive chapupu kwavari.” Nokudaro vakaenda vakandoparidza kuti vanhu vapinduke.
Mako 6:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanegumi naʋaʋiri, akataŋga kuʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina; akaʋaraira kuti ʋarege kutoŋgotora ɀomunzira, asi muɗonɀo ɓedzi; ʋarege kutora ciŋgwa, nehomboɗo, nemari mucikwama. Asi ʋafuke shaŋgu, ʋarege kupfeka ŋguʋo mbiri. Akati kwaʋari: Pose pamunopinda mumba, mugare’mo, kuȿikira mucibva’po. Pose paʋasiŋgakugamuciriyi nokukunzwai, kana mucibva’po, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu, ciʋe capupu kwaʋari. Ʋakaɓuɗa, ʋakaparidza kuti ʋanhu ʋatendeʋuke.
Mako 6:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)