Mako 6:45-52
Mako 6:45-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera. Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika. Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura, asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira, nokuti vose vakamuona vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.” Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru, nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
Mako 6:45-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera. Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika. Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura. Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakati “Mudzimudzangara,” vakaridza mhere. Nokuti vose vakamuona, vakakundiswa; akataura navo, akati kwavari, “Tsungai mwoyo, ndini, musatya.” Akakwira kwavari muigwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumwoyo yavo. Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
Mako 6:45-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya. Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata. Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga. Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira. Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere; nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.” Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru, nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara.
Mako 6:45-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo akagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye aciendisa ʋanhu ʋazhinji. Akati awonekana naʋo, akaenda mugomo kundonyeŋgetera. Aʋa maɗekwana igwa rakaŋga riri pakati peguŋgwa, iye ari oga panyika. Ɀino wakati aciʋona kuti ʋanotambudzika nokukwaȿa, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa, neŋguʋa ineŋge seyecinna yoʋusiku, akaʋuya kwaʋari acifamba pamsoro peguŋgwa; akaɗa kupfuʋura. Ɀino ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakati madzimudzaŋgara, ʋakaridza mhere. Nokuti ʋose ʋakamuʋona, ʋakamanikidzwa; akataura naʋo, akati kwaʋari: Tsuŋgai mŋoyo, ndini, musatya. Akakwira kwaʋari mugwa, mhepo ikanyarara; ʋakashamiswa kwaɀo‐kwaɀo mumŋoyo yaʋo. Nokuti ʋakaŋga ʋasati ʋanzwisisa shoko reɀiŋgwa, nokuti mŋoyo yaʋo yakaŋga iri mikukutu.
Mako 6:45-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)