Mako 6:4-6
Mako 6:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.” Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye nokuvaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo Jesu akapota nemisha achidzidzisa.
Mako 6:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.” Akasagona kubata basa resimba ipapo, asi akaisa maoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo akapota nemisha, achidzidzisa.
Mako 6:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.” Haana kuzogona kuita kana nechishamiso zvacho ikoko; akangoisa maoko ake pamisoro yavarwere vashomanana akavaporesa. Akashamiswa kwazvo nokusadavira kwavo. Akapota nemisha achidzidzisa.
Mako 6:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make. Akasagona kuɓate‐ɓasa resimba ipapo, asi wakaisa maʋoko ake pamsoro paʋairwara ʋashoma, akaʋaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwaʋo. Ipapo wakapota nemisha, acidzidzisa.
Mako 6:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)