Mako 5:21-34
Mako 5:21-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa. Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.” Saka Jesu akaenda naye. Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana. Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.” Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake. Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?” Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ” Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose. Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
Mako 5:21-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati ayambukirazve mhiri negwa, vanhu vazhinji vakaunganira kwaari; akanga ari pagungwa. Mumwe wavakuru vesinagoge, wainzi Jairosi, akasvika; akati achimuona, akazviwisira pasi petsoka dzake, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai, muise maoko enyu pamusoro pake aporeswe, ararame.” Akaenda naye; vanhu vazhinji vakamutevera, vachimutsikirira. Zvino mumwe mukadzi aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga aoneswa nhamo nevarapi vazhinji, akapedza zvose zvaakanga anazvo asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa, akati anzwa zvaJesu, akauya pakati pavanhu vazhinji vaiva mashure, akabata nguo yake. Nokuti akati, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.” Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa pamuviri wake kuti aporeswa pakurwara kwake. Pakarepo Jesu akati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendeuka pakati pavanhu vazhinji, akati, “Ndianiko abata nguo dzangu?” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Munoona vanhu vazhinji vanokutsikirirai, zvino mungati seiko, ndiani andibata?” Zvino akaringa-ringa kuti aone akaita izvozvo. Mukadzi akatya, akadedera, achiziva zvaaitirwa, akauya, ndokuzviwisira pamberi pake, ndokumuudza zvirokwazvo zvose. Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”
Mako 5:21-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kuzoti Jesu ayambukirazve mhiri kwegungwa negwa, vanhu vazhinji vakamuunganira. Akanga ari padyo negungwa. Zvino mumwe wavatungamiri vesinagogu, ainzi Jairosi akasvikapo. Pakuona kwakaita Jesu, akazviwisira patsoka dzake. Akamuteterera kwazvo achiti, “Mwanasikana wangu muduku atova kutandadza. Uyai, muise maoko enyu paari aporeswe, ararame.” Jesu akaenda naye. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richidzvinyirirana naye. Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri. Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara. Zvaakanga anzwa nezvaJesu akauya necheshure kwake, ari mukati moruzhinji, ndokusvikobata hanzu yake, nokuti aiti, “Kana ndikangobata kunyange hanzu dzake bedzi, ndichabva ndapora.” Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa. Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?” Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ” Akaringa–ringa achida kuona kuti akanga aita izvi ndiani. Mukadzi uya, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, zvakanga zvoti kutya, zvikati kungwenda ndokuuya ozviwisira mberi kwake omuudza chokwadi chizere. Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.”
Mako 5:21-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati ayambukira ɀe mhiri negwa, ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋganira kwaari; wakaŋga ari paguŋgwa. Mumŋe waʋakuru ʋesinagoge, wainzi Jairosi, akaȿika; akati acimuʋona, akaɀiwisira pasi petsoka dzake, akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Mukunda waŋgu muɗuku wotandadza, ʋuyai, muise maʋoko enyu pamsoro pake aporeswe, ararame. Akaenda naye; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, ʋacimumanikidza. Ɀino mumŋe mukadzi waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, wakaŋga aʋoneswa nhamo neŋaŋga zhinji, akapedza ɀose ɀaakaŋga anaɀo asina‐kutoŋgoɓatsirwa, asi kuŋgonyanyiswa, wakati anzwa ɀaJesu, akaʋuya pakati paʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa mashure, akaɓata ŋguʋo yake. Nokuti wakati: Kana ndikaɓata ŋguʋo yake ɓedzi, ndicaponeswa. Pakarepo tsime rake reropa rikapxa, akanzwa pamuʋiri wake kuti waporeswa pakurwara kwake. Pakarepo Jesu wakati aciziʋa mukati make kuti simba rakaɓuɗa kwaari, akatendeʋuka pakati paʋanhu ʋazhinji, akati: Ndianiko waɓata ŋguʋo dzaŋgu? Ʋadzidzi ʋake ʋakati kwaari: Munoʋona ʋanhu ʋazhinji ʋanokumanikidzai, ɀino muŋgati seiko: Ndiani wandiɓata? Ɀino akariŋga‐riŋga kuti aʋone wakaita iɀoɀo. Mukadzi akatya, akaɗeɗera, aciziʋa ɀaaitirwa, akaʋuya, ndokuɀiwisira pamberi pake, ndokumuʋudza ɀirokwaɀo ɀose. Akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.
Mako 5:21-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)