Mako 2:3-5
Mako 2:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”
Mako 2:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakauya vakaisa kwaari munhu akanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana. Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo; Jesu akati achiona kutenda kwavo, akati kunoakanga akafa mitezo, “Mwana, waregererwa zvivi zvako.”
Mako 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga akatonhora mitezo akatembedzanwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo. Jesu, paakaona chitendero chavo, akati kumunhu akatonhora mitezo, “Mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.”
Mako 2:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaʋuya ʋakaisa kwaari munhu wakaŋga akafa mitezo, akatakurwa na ʋanhu ʋanna. Ɀino ʋakati ʋasiŋgagoni kusweɗera kwaari nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakazarura ɗeŋga paakaŋga ari; ʋakati ʋariputsa, ʋakaɓurusa nhoʋo, pakaŋga paʋete munhu wakaŋga akafa mitezo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kunowakaŋga akafa mitezo: Mŋana, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako.
Mako 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)