Mako 2:13-17
Mako 2:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa. Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifeasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru pamba paRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera. Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi, vakati vachimuona achidya na“vatadzi” navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi na‘vatadzi’?” Anzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Mako 2:13-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akabudazve akaenda kugungwa; vazhinji vose vakauya kwaari, akavadzidzisa. Akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere.” Akasimuka, akamutevera. Zvino akati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake; nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera. Zvino vanyori navaFarisi vakati vachimuona achidya navatadzi navateresi, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi anodyireiko navateresi navatadzi?” Jesu akati achizvinzwa, akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki murapi, asi vanorwara; handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Mako 2:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akabvapo oendazve pedyo negungwa, gungano ravanhu rakauya kwaari akavadzidzisa. Zvino akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo agere pahofisi yomutero akati kwaari, “Nditevere.” Iye akasimuka ndokumutevera. Zvino paakanga agere pakudya mumba maRevhi, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake nokuti vaimutevera vakanga vakawanda. Dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzebato ravaFarisei padzakamuona achidya navatadzi navateresi, dzakati kuvadzidzi vake, “Seiko mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Jesu paakazvinzwa akati kwavari, “Vakukutu havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama, asi vatadzi.”
Mako 2:13-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaɓuɗa ɀe akaenda kuguŋgwa; ʋazhinji ʋose ʋakaʋuya kwaari, akaʋadzidzisa. Wakati acipfuʋura, akaʋona Revi, mŋanakomana waArfeo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere. Akasimuka, akamuteʋera. Ɀino wakati agere pakudya mumba make, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakagara naJesu naʋadzidzi ʋake; nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji ʋaimuteʋera. Ɀino ʋanyori naʋaFarise ʋakati ʋacimuʋona acidya naʋatadzi naʋateresi, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi unodyireiko naʋateresi naʋatadzi? Jesu wakati aciɀinzwa, akati kwaʋari: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara; handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi.
Mako 2:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)