Mako 2:1-7
Mako 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha. Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari. Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.” Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vakafunga mumwoyo yavo vachiti, “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”
Mako 2:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kwakati mazuva apfuura, akapindazve Kapenaume; vanhu vakanzwa kuti ari mumba. Vazhinji vakaungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamusuo; akavataurira shoko. Vakauya vakaisa kwaari munhu akanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana. Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo; Jesu akati achiona kutenda kwavo, akati kunoakanga akafa mitezo, “Mwana, waregererwa zvivi zvako.” Zvino vamwe vanyori vakanga vegeremo, vakafunga mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu anorevereiko kudaro? Anoshonha Mwari; ndianiko anogona kuregerera zvivi, asi mumwechete, ndiye Mwari?”
Mako 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakangoti pfuurei mazuva akati kuti, akapindazve muKapenaumu. Zvakazonzwika kuti ave pamba. Vanhu vazhinji vakaungana zvokuti pakanga pasisina kana nekanzvimbo kose kakasara, kunyange napamusuo pose; iye akanga achivaparidza shoko. Vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga akatonhora mitezo akatembedzanwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo. Jesu, paakaona chitendero chavo, akati kumunhu akatonhora mitezo, “Mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzigeremo dzakazviti nechomumwoyo. “Ko, seiko uyu achitaura achidai? Ari kushonha Mwari! Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?”
Mako 2:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kwakati mazuʋa apfuʋura, akapinda ɀe Kapernaume; ʋanhu ʋakanzwa kuti uri mumba. Ʋazhinji ʋakaʋuŋgana nokuɗaro ʋakashaiwa nɀimbo, kunyaŋge pamukoʋa; akaʋataurira shoko. Ʋakaʋuya ʋakaisa kwaari munhu wakaŋga akafa mitezo, akatakurwa na ʋanhu ʋanna. Ɀino ʋakati ʋasiŋgagoni kusweɗera kwaari nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakazarura ɗeŋga paakaŋga ari; ʋakati ʋariputsa, ʋakaɓurusa nhoʋo, pakaŋga paʋete munhu wakaŋga akafa mitezo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kunowakaŋga akafa mitezo: Mŋana, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ɀino ʋamŋe ʋanyori ʋakaŋga ʋagere’mo, ʋakafuŋga mumŋoyo yaʋo, ʋaciti: Uyu unoreʋereiko kuɗaro? Unomhura Mŋari; ndianiko unogona kukaŋganwira ɀiʋi, asi mumŋe cete, ndiye Mŋari?
Mako 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)