Mako 16:14-18
Mako 16:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake. Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa. Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
Mako 16:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pashure wakazviratidza kuna vane gumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo noukukutu hwemwoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuona amuka. Akati kwavari, “Endai munyika yose, muparidzire zvisikwa zvose Vhangeri. Anotenda, akabhabhatidzwa, achaponeswa; asi asingatendi achatongwa. Zviratidzo izvi zvichava navanotenda, vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinouraya, hachingavarwadzi; vachaisa maoko pamusoro pavarwere, vakapora.”
Mako 16:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pashure Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwechete vari pakudya. Akavashora pamusana pokusatenda kwavo napamusana poukukutu hwomoyo yavo nokuti havana kutenda vakanga vamuona mushure mokumuka kwake. Akati kwavari, “Endai kunyika dzapasi pose mundoparidza Shoko Rakanaka kuzvisikwa zvose. Anenge atenda akaombekwa achaponeswa, asi uyo asingatendi achapiwa mhosva. Hezvino zviratidzo zvichava navanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu. Vachataura nendimi itsva, vachabata nyoka namaoko. Kunyange vakanwa chinouraya hachizovakuvadzi kwete. Vachaisa maoko pavarwere, vachibva vapora.”
Mako 16:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pashure wakaɀiratidza kunaʋanegumi nomumŋe, ʋagere pakudya; akaʋapa mhaka pamsoro pokusatenda kwaʋo noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, nokuti haʋana‐kutenda ʋaya ʋakaŋga ʋamuʋona amuka. Akati kwaʋari: Endai munyika yose, muparidzire ɀisikwa ɀose Evaŋgeri. Unotenda, akabapatidzwa, ucaponeswa; asi usiŋgatendi ucatoŋgwa. Ɀiratidzo iɀi ɀicaʋa naʋanotenda: Ʋacaɓuɗisa mŋeya yakaipa nezita raŋgu, ʋacataura nendimi itȿa; ʋacaɓata nyoka; kunyaŋge ʋakanwa cinhu cinoʋuraya, haciŋgaʋarwadzi; ʋacaisa maʋoko pamsoro paʋarwere, ʋakapora.
Mako 16:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)