Mako 15:42-47
Mako 15:42-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira, Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu. Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa. Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa. Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauisa muguva rakanga rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva. Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa.
Mako 15:42-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira Sabata, Josefa weArimatia, mumwe wamakurukota, munhu akakudzwa iye amene akanga achigarirawo ushe hwaMwari akauya akapinda nokutsunga kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akashamiswa achinzwa kuti akanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana anguva afa. Zvino akati achinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa chitunha. Iye akatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro. Maria Magadharina, naMaria mai vaJose, vakaona paakavigwa.
Mako 15:42-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kuzoti ava manheru, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndiko kuti zuva rapamberi peSabata, kwakauya Josefi weArimatia, aiva mumwe wamakurukota airemekedzwa. Iyewo pachake aimirira umambo hwaMwari. Akatsunga mwoyo ndokuenda kuna Pirato, akamukumbira chitunha chaJesu. Pirato akashamiswa kuti atofa kare. Akadana mutungamiri wezana akamubvunza kuti afa here kare? Paakazvinzwa, zvichibva kumutungamiri wezana kuti Jesu afa, akabvumira Josefi kutora chitunha. Josefi akatenga fuko rerineni, akaturunura Jesu omuputira nefuko riya rerineni ndokumuradzika muguva rakanga rakacherwa mudombo. Akazokungurutsirawo dombo pamusuo weguva. Zvino vana Maria Magadharena, naMaria amai vaJosesi vakanyatsoona paakaradzikwa.
Mako 15:42-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa maɗeko, ɀarakaŋga riri zuʋa rokugadzirira, ndokuti rinotaŋgira saɓata, Josefa weArimatea, mumŋe wamakurukota, munhu wakakudzwa — iye amene wakaŋga acigarira ʋo ʋushe bgaMŋari — wakaʋuya akapinda nokutsuŋga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akashamiswa acinzwa kuti wakaŋga atofa; akaɗana mukuru wezana, akamubvunza kana akaŋguʋa afa. Ɀino wakati aɀinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu. Iye akateŋga muceka, akamuɓurusa, akamuputira nomuceka, ndokumuʋiga mubgiro bgakaŋga bgakacerwa pabge, ndokukuŋgurusira ibge pamuromo wobgiro. Maria Magdarene, naMaria mai ʋaJose, ʋakaʋona paakaʋigwa.
Mako 15:42-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)