Mako 15:16-47
Mako 15:16-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda, Piritoriamu, uye vakaunganidza pamwe chete boka rose ravarwi. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!” Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.” Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu, chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!” Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo. Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.” Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akachiisa parutanda, akachipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Zvino musiyei akadaro. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuburutsa.” Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!” Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, mununʼuna waJosesi, naSarome. Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo. Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira, Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu. Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa. Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa. Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauisa muguva rakanga rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva. Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa.
Mako 15:16-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakaunganidza hondo yose; vakamupfekedza nguo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo. Vakatanga kumukwazisa, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakapfugama namabvi, vakamunamata. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, ndokumupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Zvino vakamanikidza mumwe, akanga achipfuura achibva kuruwa, ainzi Simoni weKurini, baba vaArekizanda naRufosi, kuti atakure muchinjikwa wake. Vakamuisa kunzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yeDehenya,” kana zvichishandurwa. Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye akazviramba. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake. Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa. Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamusoro pake, ruchiti, “MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamuchinjikwa pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [ Rugwaro rukaitika, runoti, “Akarovererwa navadariki vomurayiro.”] Navaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe, wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!” Saizvozvo vapristi vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo, vachiti, “Akaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa. Kristu, Mambo wavaIsiraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tione titende.” Navakanga varoverwa pamwechete naye vakamuzvidza. Zvino yakati yava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!” Ndokuti kana zvichishandurwa, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati, “Chinzwai, anodana Eria.” Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eria achizouya kumuburusa.” Ipapo Jesu akadana nezwi guru, ndokubva afa. Chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Zvino mukuru wezana akanga amirepo, akatarisana naye, akati achiona mutowo wokufa kwake, akati, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.” Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharina, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome; ndivo vaimutevera achiri muGariria vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusaremu naye. Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira Sabata, Josefa weArimatia, mumwe wamakurukota, munhu akakudzwa iye amene akanga achigarirawo ushe hwaMwari akauya akapinda nokutsunga kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akashamiswa achinzwa kuti akanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana anguva afa. Zvino akati achinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa chitunha. Iye akatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro. Maria Magadharina, naMaria mai vaJose, vakaona paakavigwa.
Mako 15:16-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋarwi ʋakamuisa mukati moruʋazhe, imo muimba yomuɓati, ʋakaʋuŋganidza hondo yose; ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku, ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakamudzika iyo. Ʋakataŋga kumukwazisa, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamuroʋa musoro norutsaŋga, ʋakamupfira mate, ʋakafugama namabvi, ʋakamunamata. Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ndokumupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa. Ɀino ʋakamanikidza mumŋe, wakaŋga acipfuʋura acibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, ɓaɓa ʋaAreksandro naRufo, kuti atakure mucinjikwa wake. Ʋakamuisa kunɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, kana ɀicishandurwa. Ʋakamupa waini, yakaveŋganiswa nemura, asi iye wakaɀiramba. Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo, kuti mumŋe nomumŋe apiwe cake. Yakaŋga iri ŋguʋa yecitatu, ʋakamuroʋera pamucinjikwa. Norugwaro rwemhoȿa yake rwakaŋga rwakanyorwa pamsoro pake, ruciti: MAMBO WAƲAJUDA. Ʋakaroʋera pamucinjikwa pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi rwake, mumŋe kuruɓoshwe. [ Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabga naʋaɗariki ʋomurairo.] Naʋaipfuʋura ʋakamutuka, ʋacidzuŋgudza misoro yaʋo, ʋaciti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuiʋaka ɀe namazuʋa matatu, ciɀiponesa iwe, uɓuruke pamucinjikwa! Saiɀoɀo ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakamuseka pakati paʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe, ɀino haagoni kuɀiponesa. Kristu, Mambo waʋaIsraeri, ŋgaaɓuruke ɀino pamucinjikwa, kuti tiʋone titende. Naʋakaŋga ʋaroʋerwa pamŋe cete naye ʋakamuɀidza. Ɀino yakati yaʋa ŋguʋa yecitanhatu, rima rikaʋa’po panyika yose kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe. Neŋguʋa yepfumbamŋe Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana ɀicishandurwa: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Cinzwai, unoɗana Eria. Ipapo mumŋe wakamhanya, akazadza cipanje nevinega, akaciisa parutsaŋga, ndokumunwisa, aciti: Regai timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuɓurusa. Ipapo Jesu akaɗana nenzwi guru, akaɓuɗisa mŋeya wake. Cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi. Ɀino mukuru wezana wakaŋga amire’po, akatarisana naye, wakati aciʋona mutoʋo wokufa kwake, akati: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari. Naʋakadzi ʋakaŋga ʋari’po, ʋakatarira ʋari kure; pakati paʋo kwakaŋga kunaMaria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo muɗuku naJose, naSarome; ndiʋo ʋaimuteʋera aciri muGarirea ʋacimushandira, naʋamŋe ʋakadzi ʋazhinji ʋakaŋga ʋakwira Jerusarema naye. Ɀino aʋa maɗeko, ɀarakaŋga riri zuʋa rokugadzirira, ndokuti rinotaŋgira saɓata, Josefa weArimatea, mumŋe wamakurukota, munhu wakakudzwa — iye amene wakaŋga acigarira ʋo ʋushe bgaMŋari — wakaʋuya akapinda nokutsuŋga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akashamiswa acinzwa kuti wakaŋga atofa; akaɗana mukuru wezana, akamubvunza kana akaŋguʋa afa. Ɀino wakati aɀinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu. Iye akateŋga muceka, akamuɓurusa, akamuputira nomuceka, ndokumuʋiga mubgiro bgakaŋga bgakacerwa pabge, ndokukuŋgurusira ibge pamuromo wobgiro. Maria Magdarene, naMaria mai ʋaJose, ʋakaʋona paakaʋigwa.