Mako 11:22-25
Mako 11:22-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [
Mako 11:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako.
Mako 11:22-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [
Mako 11:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari. Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu. Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ”
Mako 11:22-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Iʋai nokutenda kunaMŋari. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe muguŋgwa, asiŋganyunyuti mumŋoyo make, asi acitenda kuti ɀaanoreʋa ɀicaitika, ucaʋa naɀo. Saka ndinoti kwamuri: Ɀinhu ɀose ɀose ɀamunonyeŋgeterera nokukumbira, tendai kuti maɀigamucira, mugoʋa naɀo. Kana mukamira mucinyeŋgetera, kaŋganwirai kana munemhaka nomumŋe, kuti naƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, ʋakukaŋganwirei kuɗarika kwenyu; [
Mako 11:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)