Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 11:20-33

Mako 11:20-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi. Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!” Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako. Asi kana usingaregereri, Baba vako vari kudenga havazoregereri zvivi zvako.” Vakasvikazve muJerusarema, uye Jesu paaifamba mutemberi, vaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro navakuru vakauya kwaari. Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?” Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi. Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!” Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’ Asi kana tikati kuvanhu…” (Vakanga vachitya vanhu, nokuti vanhu vose vaitenda kuti Johani akanga ari muprofita zvechokwadi.) Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu akati, “Neniwo handikuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 11

Mako 11:20-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakati vachipfuura napo mangwanani, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. Petirosi akarangarira, akati kwaari, “Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [ asi kana musingakanganwiriyi imi, nababa venyu vari kudenga havangakukanganwiriyi imi kudarika kwenyu.]” Vakasvikazve Jerusaremu. Zvino akati achifamba mutemberi, vapristi vakuru navanyori navakuru vakauya kwaari; vakati kwaari, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko akakupai simba iri, kuti muite izvi?” Jesu akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvozvi. Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei.” Vakataurirana, vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Makagoregerei kumutenda?’ Asi tingati, ‘Kuvanhu, here?’ ” Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johani muporofita zvirokwazvo. Vakapindura vachiti kuna Jesu, “Hatizivi.” Jesu akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 11

Mako 11:20-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakati ʋacipfuʋura napo maŋgwanani, ʋakaʋona muʋonde wawoma kubva pamidzi. Petro akaraŋgarira, akati kwaari: Rabi, tarirai muʋonde wamakatuka wawoma. Jesu akapindura, akati kwaʋari: Iʋai nokutenda kunaMŋari. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe muguŋgwa, asiŋganyunyuti mumŋoyo make, asi acitenda kuti ɀaanoreʋa ɀicaitika, ucaʋa naɀo. Saka ndinoti kwamuri: Ɀinhu ɀose ɀose ɀamunonyeŋgeterera nokukumbira, tendai kuti maɀigamucira, mugoʋa naɀo. Kana mukamira mucinyeŋgetera, kaŋganwirai kana munemhaka nomumŋe, kuti naƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, ʋakukaŋganwirei kuɗarika kwenyu; [ asi kana musiŋgakaŋganwiriyi imi, naƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga haʋaŋgakukaŋganwiriyi imi kuɗarika kwenyu.] Ʋakaȿika ɀe Jerusarema. Ɀino wakati acifamba mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋakaʋuya kwaari; ʋakati kwaari: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite iɀi? Jesu akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe, mundipindure, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀoɀi. Rubapatidzo rwaJohane rwakabva kuɗeŋga here kana kuʋanhu? Ndipindurei. Ʋakataurirana, ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati: Makagoregerei kumutenda? Asi tiŋgati, Kuʋanhu, here? Ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciti Johane muprofita ɀirokwaɀo. Ʋakapindura ʋaciti kunaJesu: Hatiziʋi. Jesu akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 11