Mako 11:15-17
Mako 11:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva, uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ”
Mako 11:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakasvika Jerusaremu; akapinda mutemberi, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutemberi. Akadzidzisa, achiti kwavari, “Hakuna kunyorwa here kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.”
Mako 11:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ”
Mako 11:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaȿika Jerusarema; akapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisa ʋaiteŋgesa, naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere. Akadzidzisa, aciti kwaʋari: Hakunakunyorwa here kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita ɓako ramakororo.
Mako 11:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)