Mako 10:47-49
Mako 10:47-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”
Mako 10:47-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye akanyanya kudanidzira kwazvo, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Ipapo Jesu akamira, akati, “Mudanei.” Vakadana bofu, vachiti kwariri, “Tsunga mwoyo, simuka, anokudana.”
Mako 10:47-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakanzwa kuti ndiJesu weNazareti, akatanga kudaidzira achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vazhinji vakamutsiura vachiti anyarare, asi iye ndipo paakatonyanya kudaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati, “Mudaidzei.” Vakadaidza bofu riya vachiti kwaari, “Tsunga mwoyo; simuka; ari kukudaidza.”
Mako 10:47-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akataŋga kuɗanidzira, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ʋazhinji ʋakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kuɗanidzira kwaɀo, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ipapo Jesu akamira, akati: Muɗanei. Ʋakaɗana ɓofu, ʋaciti kwariri: Tsuŋga mŋoyo, simuka, unokuɗana.
Mako 10:47-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)