Mako 10:46-51
Mako 10:46-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha. Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.” Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu. Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”
Mako 10:46-51 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakasvika Jeriko; zvino akati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bhatimeo, mwanakomana waTimeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira. Iye akati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye akanyanya kudanidzira kwazvo, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Ipapo Jesu akamira, akati, “Mudanei.” Vakadana bofu, vachiti kwariri, “Tsunga mwoyo, simuka, anokudana.” Ipapo akarasira nguo yake, akasimuka, akaenda kuna Jesu. Jesu akamupindura, akati kwaari, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Bofu rikati kwaari, “Rabhoni, kuti ndione.”
Mako 10:46-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazosvika kuJeriko. Kuzoti ava kubuda muJeriko navadzidzi vake negurumwandira ravanhu, Bhatimeusi mwana waTimeo, mupemhi aiva bofu akanga agere parutivi pomugwagwa. Paakanzwa kuti ndiJesu weNazareti, akatanga kudaidzira achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vazhinji vakamutsiura vachiti anyarare, asi iye ndipo paakatonyanya kudaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati, “Mudaidzei.” Vakadaidza bofu riya vachiti kwaari, “Tsunga mwoyo; simuka; ari kukudaidza.” Akakanda jasi rake pasi, ndokukwakuka ouya kuna Jesu. Jesu ndokuti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Bofu rakati kwaari, “Mudzidzisi itai kuti ndione.”
Mako 10:46-51 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaȿika Jeriko; ɀino wakati aciɓuɗa Jeriko naʋadzidzi ʋake naʋazhinjizhinji, Bartimeo, mŋanakomana waTimeo, raiʋa ɓofu riri rombe, wakaŋga agere panzira. Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akataŋga kuɗanidzira, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ʋazhinji ʋakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kuɗanidzira kwaɀo, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ipapo Jesu akamira, akati: Muɗanei. Ʋakaɗana ɓofu, ʋaciti kwariri: Tsuŋga mŋoyo, simuka, unokuɗana. Ipapo akarasha ŋguʋo yake, akasimuka, akaenda kunaJesu. Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Ƃofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndiʋone.
Mako 10:46-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)