Mako 10:42-44
Mako 10:42-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo. Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.
Mako 10:42-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari, “Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovaita mukundo navakuru vakuru vano vanovaitira zvesimba. “Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu; ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose.
Mako 10:42-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akavadaidza akavati, “Munoziva kuti kune vechirudzi vanonzi vatongi vaya, pakutonga vanoita zvechisimba uye vakuru vakuru vavo vanoita zvomukundo. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuve wokutanga pakati penyu anofanira kuve muranda wavose.
Mako 10:42-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari: Munoziʋa kuti aʋo ʋanonzi macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. Ɀino pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu; aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda waʋose.
Mako 10:42-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)