Mako 10:35-40
Mako 10:35-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.” Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.” Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?” Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”
Mako 10:35-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya, kwaari, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakati kwaari, “Tigarisei mukubwinya kwenyu, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe.” Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.”
Mako 10:35-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jemusi naJohani vanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu vakati, “Mudzidzisi tinoda kuti mutiitirewo chero chatinenge takukumbirai.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Ivo vakati kwaari, “Tibvumirei kuti, mumbiri yenyu, tizogara takati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akavapindura achiti, “Hamuzivi zvamurikukumbira. Munogona here kunwa mukombe wandinonwa ini kana kuombekwa noruombeko rwandinoombekwa narwo ini?” Ivo vakati kwaari, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Hongu mukombe wandinonwa ini, muchanwa noruombeko rwandinoombekwa narwo muchaombekwawo narwo; asi zvokugara kurudyi rwangu kana kuti kuruboshwe rwangu handisirini ndinozvipa, ndokweavo vakakugadzirirwa.”
Mako 10:35-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋakaʋuya kwaari, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoɗa kuti mutiitire seɀatinokumbira kwamuri. Akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikuitireiko? Ʋakati kwaari: Tigarisei pakubginya kwenyu, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe. Asi Jesu wakati kwaʋari: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Jesu akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo ini; asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, kana kuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀaʋakaɀigadzirirwa iɀo.
Mako 10:35-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)