Mako 10:17-25
Mako 10:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati achifamba munzira, mumwe murume akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga. Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.” Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.” Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji. Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari! Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
Mako 10:17-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akapfugama pamberi pake akamubvunza, achiti, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Anondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. Mirayiro unoiziva, inoti, usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.” Akati kwaari, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.” Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari, “Unoshaiwa chinhu chimwechete; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.” Asi akasuwa kwazvo neshoko iro, ati hurududu nokuti akanga ane pfuma zhinji. Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akapindurazve, akati kwavari, “Vana, zvinorema sei kuna vanovimba nepfuma kupinda muushe hwaMwari! Ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
Mako 10:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akamupindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka kunze kwaMwari oga. Unoziva wani mitemo inoti; usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema, usanyengedze, remekedza baba naamai vako.” Iye akatiwo kwaari, “Mudzidzisi, yose iyi ndakaichengeta kubvira pauduku hwangu.” Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.” Shoko iri rakamusvibisa mwoyo akabvapo woenda akasuruvara nokuti akanga aine upfumi hwakawanda. Jesu akaringa–ringa akati kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti vanoupfumi vapinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa kwazvo namazwi ake. Asi Jesu akataurazve achiti kwavari, “Vakomana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
Mako 10:17-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati aciɓuɗa kunzira, mumŋe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, aciti: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari. Mirairo unoiziʋa, inoti, usaʋuraya, usaita ʋupombge, usaɓa, usapupura nhema, usanyeŋgera, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako. Akati kwaari: Mudzidzisi, iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Jesu akamutarira akamuɗa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; enda, uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere. Asi wakaȿiɓa mŋoyo neshoko iro, akaenda neshuŋgu, nokuti wakaŋga anefuma zhinji. Ipapo Jesu akariŋga‐riŋga, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda paʋushe bgaMŋari! Ʋadzidzi ʋakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura ɀe, akati kwaʋari: Ʋana, ɀinorema sei kunaʋanoʋimba nefuma kupinda paʋushe bgaMŋari! Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari.
Mako 10:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)