Mateo 9:35-38
Mateo 9:35-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose. Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”
Mateo 9:35-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza vhangeri youshe, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose. Asi akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, vakaraswa, samakwai asina mufudzi. Zvino akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.”
Mateo 9:35-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akafamba nomumaguta ose nomumisha achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo achirapa zvirwere zvose namatenda ose. Paakaona gungano ravanhu, akavanzwira tsitsi nokuti vaitambura vasina chingavabatsire sehwai dzisina mufudzi. Ipapo akati kuna vadzidzi vake, “Zvinoda kukohwiwa zvakawanda asi vakohwi vashoma, naizvozvo, namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mumunda wake unoda kukohwiwa.”
Mateo 9:35-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, acidzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose. Asi wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋaneta, ʋarashwa, samakwai asinomufudzi. Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma. Naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake.
Mateo 9:35-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)