Mateo 9:18-38
Mateo 9:18-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.” Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake. Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.” Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo. Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose. Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.” Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.” Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.” Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri. Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu. Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.” Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.” Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose. Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”
Mateo 9:18-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.” Ipapo Jesu akasimuka, akamutevera navadzidzi vake. Zvino mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akauya shure kwake, akabata mupendero wenguo yake; nokuti akati nechomumwoyo, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.” Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo. Zvino Jesu akati asvika mumba momukuru, akaona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere, akati kwavari, “Ibvai, nokuti musikana haana kufa, asi avete.” Vakamuseka. Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruoko rwake, musikana ndokumuka. Mukurumbira wazvo ukapararira kunyika iyo yose. Zvino Jesu akati achibvapo, mapofu maviri akamutevera, akadanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Akati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe!” Zvino akabata meso avo, akati, “Muitirwe sokutenda kwenyu.” Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru, akati, “Chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.” Asi vakabuda, vakamurumbidza munyika iyo yose. Vakati vachibuda, tarira, vakauya kwaari nomunhu akanga ari mbeveve aiva nomweya wakaipa. Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura; vanhu vazhinji vakashamiswa, vakati, “Hakuna kumboonekwa zvakadai pakati pavaIsiraeri.” Asi vaFarisi vakati, “Anobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.” Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza vhangeri youshe, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose. Asi akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, vakaraswa, samakwai asina mufudzi. Zvino akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.”
Mateo 9:18-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.” Jesu akasimuka akamutevera pamwechete navadzidzi vake. Pakabva pauya mumwe mudzimai akanga aine chirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akauya necheshure kwake akabata mupendero wehanzu yake nokuti akazviti nechemumwoyo, “Ndikangobata chete hanzu yake ndichava wadi.” Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.” Jesu paakasvika kumba kwomutungamiri uya, akaona vokuridza nyere negungano ravanhu richiita mhere mhere. Iye akati, “Budai nokuti musikana haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka. Chikwata chavanhu pachakaburitswa, Jesu akapinda akamubata ruoko. Musikana ndokubva amuka. Mukurumbira wake wakapararira mudunhu iroro rose. Jesu paakabva ipapo, varume vaviri vaiva mapofu vakamutevera vachidaidzira zvikuru vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” Paakapinda mumba mapofu aya akauya kwaari. Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinokwanisa kuita izvi here?” Vakati kwaari, “Hongu Tenzi.” Akabata maziso avo akati, “Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.” Maziso avo akabva azaruka. Jesu akavakohomedza achiti, “Ngwarirai kuti pasave nomunhu anozviziva.” Asi vakaenda vakaparadzira mukurumbira wake mudunhu rose iroro. Pavakabva ipapo, pakauiswa munhu aiva mbeveve akagarwa nomweya wakaipa. Mweya wakaipa pawakaburitswa, mbeveve iya yakataura. Gungano rakashamiswa richiti, “Hakuna kumboonekwa zvakadai muIsiraeri.” Asi vaFarisei vakati, “Anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda roMweya yakaipa.” Jesu akafamba nomumaguta ose nomumisha achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo achirapa zvirwere zvose namatenda ose. Paakaona gungano ravanhu, akavanzwira tsitsi nokuti vaitambura vasina chingavabatsire sehwai dzisina mufudzi. Ipapo akati kuna vadzidzi vake, “Zvinoda kukohwiwa zvakawanda asi vakohwi vashoma, naizvozvo, namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mumunda wake unoda kukohwiwa.”
Mateo 9:18-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati acaʋaʋudza iɀoɀo, mumŋe muɓati akaȿika’po, akamunamata, akati: Mukunda waŋgu wafa ikoɀino, asi ʋuyai muise ruʋoko rwenyu pamsoro pake, ararame. Ipapo Jesu akasimuka, akamuteʋera naʋadzidzi ʋake. Ɀino mumŋe mukadzi, waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, wakaʋuya shure kwake, akaɓata mupendero weŋguʋo yake; nokuti wakati mumŋoyo make: Kana ndikaɓata ŋguʋo yake ɓedzi, ndicaponeswa. Asi Jesu wakatendeʋuka, akamuʋona, akati: Mukunda, tsuŋga mŋoyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi akaponeswa kubva paŋguʋa iyo. Ɀino Jesu wakati aȿika mumba momuɓati, akaʋona ʋaridzi ʋenyere naʋanhu ʋazhinji ʋaciita mhere‐mhere, akati kwaʋari: Ibvai, nokuti musikana haana‐kufa, asi uʋete. Ʋakamuseka. Asi ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaɓuɗiswa, akapinda, akaɓata ruʋoko rwake, musikana ndokumuka. Mukurumbira waɀo ukaɓuɗira kunyika iyo yose. Ɀino Jesu wakati acibva’po, mapofu maʋiri akamuteʋera, akaɗanidzira, aciti: Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! Akati kupinda mumba, mapofu akaʋuya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita iɀoɀo here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe! Ɀino wakaɓata meso aʋo, akati: Muitirwe pamakatenda napo. Meso aʋo akaȿinudzwa. Jesu akaʋaraira ɀikuru, akati: Cenjerai kuti ɀirege kuzikanwa nomunhu. Asi ʋakaɓuɗa, ʋakamurumbidza munyika iyo yose. Ʋakati ʋaciɓuɗa, tarira, ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga ari mbeʋeʋe waiʋa nomŋeya wakaipa. Mŋeya wakaipa ukati waɓuɗiswa, mbeʋeʋe ikataura; ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa, ʋakati: Hakuna‐kumboʋonekwa ɀakaɗai pakati paʋaIsraeri. Asi ʋaFarise ʋakati: Unoɓuɗisa mŋeya yakaipa nomukuru wemŋeya yakaipa. Ɀino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, acidzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose. Asi wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋaneta, ʋarashwa, samakwai asinomufudzi. Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma. Naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake.
Mateo 9:18-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)