Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 9:18-31

Mateo 9:18-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.” Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake. Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.” Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo. Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose. Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.” Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.” Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.” Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 9

Mateo 9:18-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.” Jesu akasimuka akamutevera pamwechete navadzidzi vake. Pakabva pauya mumwe mudzimai akanga aine chirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akauya necheshure kwake akabata mupendero wehanzu yake nokuti akazviti nechemumwoyo, “Ndikangobata chete hanzu yake ndichava wadi.” Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.” Jesu paakasvika kumba kwomutungamiri uya, akaona vokuridza nyere negungano ravanhu richiita mhere mhere. Iye akati, “Budai nokuti musikana haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka. Chikwata chavanhu pachakaburitswa, Jesu akapinda akamubata ruoko. Musikana ndokubva amuka. Mukurumbira wake wakapararira mudunhu iroro rose. Jesu paakabva ipapo, varume vaviri vaiva mapofu vakamutevera vachidaidzira zvikuru vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” Paakapinda mumba mapofu aya akauya kwaari. Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinokwanisa kuita izvi here?” Vakati kwaari, “Hongu Tenzi.” Akabata maziso avo akati, “Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.” Maziso avo akabva azaruka. Jesu akavakohomedza achiti, “Ngwarirai kuti pasave nomunhu anozviziva.” Asi vakaenda vakaparadzira mukurumbira wake mudunhu rose iroro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 9