Mateo 8:22-27
Mateo 8:22-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.” Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera. Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!” Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo. Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
Mateo 8:22-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Jesu wakati kwaari, “Nditevere; rega vakafa vavige vakafa vavo.” Akati apinda muigwa, vadzidzi vake vakamutevera. Ipapo dutu guru rikamuka mugungwa, nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu; asi iye akanga avete. Zvino vadzidzi vake vakauya, vakamumutsa, vakati, “Ishe, tiponesei, tofa!” Akati kwavari, “Munotyireiko, imi vokutenda kushoma?” Zvino akamuka, akaraira dutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?”
Mateo 8:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.” Jesu paakapinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera. Hero dutu guru remhepo rakamuka mugungwa zvokuti igwa rakanga rava kuda kunyudzwa namasaisai, asi Jesu akanga akakotsira zvake. Vadzidzi vakaenda kwaari vakamumutsa vachiti, “Tenzi tiponesei tavakupera.” Jesu akati kwavari, “Ko munotyireiko mukadaro? Inga muri vanhu vechitendero chidiki!” Akabva asimuka akatsiura dutu riya negungwa kukabva kwanyatsoti dzikadzika kunyarara. Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?”
Mateo 8:22-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Jesu wakati kwaari: Nditeʋere; rega ʋakafa ʋaʋige ʋakafa ʋaʋo. Wakati apinda mugwa, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. Ipapo ɗutu guru remhepo rikamuka muguŋgwa, nokuɗaro igwa rakafukidzwa namafuŋgu; asi iye wakaŋga aʋete. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya, ʋakamumutsa, ʋakati: Ishe, tiponesei, tofa! Akati kwaʋari: Munotyireiko, imi ʋokutenda kushoma? Ɀino akamuka, akaraira mitutu neguŋgwa; kudzikama kukuru kukaʋa’po. Ʋanhu ʋakashamiswa, ʋakati: Uyu munhu kunyi, ɀaanotererwa nemitutu neguŋgwa?
Mateo 8:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)