Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 8:1-27

Mateo 8:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera. Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake. Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.” Jesu akati apinda muKapenaume, mukuru wezana akauya kwaari achikumbira rubatsiro. Akasvikoti, “Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru.” Jesu akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.” Mukuru wezana akapindura akati, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.” Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri. Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga. Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.” Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” Muranda wake akabva apora panguva iyoyo. Jesu akati apinda mumba maPetro, akasvikowana mai vomukadzi waPetro varere vachirwara nefivha. Akabata ruoko rwavo fivha ndokubva yapera, uye vakasimuka ndokubva vatanga kumushandira. Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara. Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Akatakura utera hwedu hwose uye akatakura zvirwere zvedu zvose.” Jesu akati aona vanhu vazhinji vakamukomberedza akarayira kuti vayambuke vaende kune rimwe divi regungwa. Ipapo mumwe mudzidzisi womurayiro akauya kwaari akati, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.” Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera. Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!” Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo. Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 8

Mateo 8:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. Tarira, munhu anamaperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati, “Ndinoda; chinatswa!” Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. Jesu akati kwaari, “Tarira, usaudza munhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire chipo chakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” Akati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Ishe, muranda wangu avete kumba, akafa mitezo, asi anotambudzika kwazvo.” Akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.” Mukuru wezana akapindura, akati, “Ishe, handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; asi taurai henyu shoko rimwechete, muranda wangu achapora. Nokuti neniwo ndiri munhu anorayirwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kunomumwe, ‘Enda!’ anoenda; kunomumwe, ‘Uya!’ anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ anochiita.” Jesu, akati achinzwa izvozvo, akashamiswa, akati kunavakanga vachitevera, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri. Ndinoti kwamuri, vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva, nokumavirira, vachagara naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho, muushe hwedenga, asi vanakomana voushe vachabudiswa kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” Zvino Jesu akati kumukuru wezana, “Enda uitirwe sokutenda kwako.” Muranda wake akapora nenguva iyo. Jesu, akati achipinda mumba maPetirosi, akaona vambuya vaPetirosi vavete, vachinzwa fivha. Akabata ruoko rwavo, fivha ikabva kwavari, vakasimuka, vakamushandira. Ava madekwana, vakauya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara. Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Iye akatora utera hwedu, akatakura zvirwere zvedu.” Jesu, akati achiona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri. Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana mawena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Mumwe wavadzidzi akati kwaari, “Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoviga baba vangu.” Asi Jesu wakati kwaari, “Nditevere; rega vakafa vavige vakafa vavo.” Akati apinda muigwa, vadzidzi vake vakamutevera. Ipapo dutu guru rikamuka mugungwa, nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu; asi iye akanga avete. Zvino vadzidzi vake vakauya, vakamumutsa, vakati, “Ishe, tiponesei, tofa!” Akati kwavari, “Munotyireiko, imi vokutenda kushoma?” Zvino akamuka, akaraira dutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 8

Mateo 8:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu paakaburuka mugomo muya, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. Hoyo mumwe munhu akanga ana maperembudzi akauya kwaari akasvikopfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, kana muchida zvenyu, munokwanisa kundiporesa muchindichenura.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, achiti, “Ndinoda, natswa uchenurwe hako.” Pakarepo akabva anatswa maperembudzi ake. Jesu akati kwaari, “Usawane waunotaurira. Asi enda undozviratidza kumupristi upire chipo chakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu chako kuvanhu.” Paakapinda muKapenaumu, mumwe mukuru wezana ramasoja akauya kwaari achimuteterera achiti, “Tenzi muranda wangu arere kumba; mitezo yake yatonhora uye ari kurwadziwa zvakanyanya.” Jesu akati kwaari, “Ndichauya ndizomurapa.” Asi mutungamiri wezana uya akamupindura achiti, “Tenzi handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ingotaurai zvenyu izwi chete, muranda wangu achapora. Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakamunzwa akashamiswa. Akati kuna vaimutevera, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handina kumboona chitendero chakadai. Ndinokuudzai kuti vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachizogara pakudya naAbhurahamu naIsaki naJakobho muumambo hwedenga, vana voumambo vachikandwa kurima rokunze. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.” Jesu akati kumutungamiri wezana, “Chienda zvako ngazviitike sokutenda kwako.” Muranda uya akabva apora panguva iyoyo. Jesu paakapinda mumba maPita akaona ambuya vake varere, muviri wavo uchipinda chando. Akavabata ruoko kurwara kwavo ndokubva kwapera, vakabva vamuka vakamushandira. Manheru acho, vanhu vakauya kuna Jesu navanhu vazhinji vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Akadzinga mweya iyoyo nokungotaura nomuromo chete. Akaporesawo vose vakanga vachirwara. Akaita izvi kuti azadzise zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Akabvisa zvirwere zvedu akatakura matenda edu.” Jesu, paakaona gungano guru ravanhu vakanga vamuunganira akati, ngatiyambukei mhiri. Imwe nyanzvi yomutemo yakauya ikati kwaari, “Mudzidzisi ini ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru, shiri dzedenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana pokutsamira musoro wake.” Mumwewo akanga ari mudzidzi wake, akati kwaari, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.” Jesu paakapinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera. Hero dutu guru remhepo rakamuka mugungwa zvokuti igwa rakanga rava kuda kunyudzwa namasaisai, asi Jesu akanga akakotsira zvake. Vadzidzi vakaenda kwaari vakamumutsa vachiti, “Tenzi tiponesei tavakupera.” Jesu akati kwavari, “Ko munotyireiko mukadaro? Inga muri vanhu vechitendero chidiki!” Akabva asimuka akatsiura dutu riya negungwa kukabva kwanyatsoti dzikadzika kunyarara. Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 8

Mateo 8:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakati aɓuruka pagomo, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. Akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati: Ndinoɗa; cinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. Jesu akati kwaari: Tarira, usaʋudza munhu; asi enda, uɀiratidze kumuprista, uɓayire cipo cakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Wakati apinda Kapernaume, mumŋe mukuru wezana akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Ishe, muranda waŋgu uʋete kumba, akafa mitezo, asi unotambudzika kwaɀo. Akati kwaari: Ndicaʋuya kuzomuporesa. Mukuru wezana akapindura, akati: Ishe, handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu; asi taurai henyu shoko rimŋe cete, muranda waŋgu ucapora. Nokuti neni ʋo ndiri munhu unorairwa, ndinaʋarwi pasi paŋgu; ndinoti kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici! unoita. Jesu, wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa, akati kunaʋakaŋga ʋaciteʋera: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri. Ndinoti kwamuri, ʋazhinji ʋacaʋuya ʋacibva kumabvazuʋa, nokumaʋirira, ʋacagara naAbrahama, naIsaka, naJakobo, muʋushe bgokuɗeŋga, asi ʋanakomana ʋoʋushe ʋacaɓuɗiswa kurima rokunze; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ɀino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora neŋguʋa iyo. Jesu, wakati acipinda mumba maPetro, akaʋona mai ʋomukadzi wake ʋaʋete, ʋacinzwa fiviri. Akaɓata ruʋoko rwaʋo, fiviri ikabva kwaʋari, ʋakasimuka, ʋakamushandira. Aʋa maɗekwana, ʋakaʋuya kwaari naʋazhinji ʋaiʋa nemŋeya yakaipa; akaɓuɗisa mŋeya neshoko, akaporesa ʋose ʋairwara. Kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Iye wakatora ʋutera bgeɗu, akatakura marwere eɗu. Jesu, wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋakamukomba, akaraira kuti ʋayambukire mhiri. Ɀino mumŋe munyori akaʋuya akati kwaari: Mudzidzisi, ndicakuteʋerai kwose kwamunoenda. Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere: asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake. Mumŋe waʋadzidzi akati kwaari: Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu. Asi Jesu wakati kwaari: Nditeʋere; rega ʋakafa ʋaʋige ʋakafa ʋaʋo. Wakati apinda mugwa, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. Ipapo ɗutu guru remhepo rikamuka muguŋgwa, nokuɗaro igwa rakafukidzwa namafuŋgu; asi iye wakaŋga aʋete. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya, ʋakamumutsa, ʋakati: Ishe, tiponesei, tofa! Akati kwaʋari: Munotyireiko, imi ʋokutenda kushoma? Ɀino akamuka, akaraira mitutu neguŋgwa; kudzikama kukuru kukaʋa’po. Ʋanhu ʋakashamiswa, ʋakati: Uyu munhu kunyi, ɀaanotererwa nemitutu neguŋgwa?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 8

Mateo 8:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)