Mateo 8:1-2
Mateo 8:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera. Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
Mateo 8:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. Tarira, munhu anamaperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
Mateo 8:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakaburuka mugomo muya, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. Hoyo mumwe munhu akanga ana maperembudzi akauya kwaari akasvikopfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, kana muchida zvenyu, munokwanisa kundiporesa muchindichenura.”
Mateo 8:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati aɓuruka pagomo, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa.
Mateo 8:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)