Mateo 7:7-10
Mateo 7:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo. “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe? Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?
Mateo 7:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka aNowana; anogogodza anozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, angamupa ibwe? Kana akakumbira hove, angamupa nyoka?
Mateo 7:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa. Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo. Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka?
Mateo 7:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa. Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo. Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka?
Mateo 7:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira unopiwa; unotȿaka unowana; unogogodza unozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mŋanakomana wake akakumbira ciŋgwa, uŋgamupa ibge? Kana akakumbira hoʋe, uŋgamupa nyoka?