Mateo 7:2-5
Mateo 7:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri. “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
Mateo 7:2-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho. Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa kabanzu muziso rehama yako.
Mateo 7:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo. Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda. Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
Mateo 7:2-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco. Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako? Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako.
Mateo 7:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)