Mateo 7:15-20
Mateo 7:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza. Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa. Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.
Mateo 7:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Madzambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? Saka izvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unobereka michero yakaipa. “Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nomuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. Saka muchavaziva nemichero yavo.
Mateo 7:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ngwarirai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe ehwai ivo mukati vari mhumhi dzinorura. Muchavaziva nemichero yavo; magirepisi angakohwiwa muminzwa here, kana maonde murukato here? Nezvo muti wose wakanaka unobereka muchero wakanaka; asi muti wakaipa unobereka muchero wakaipa. Muti wakanaka haungabereki muchero wakaipa; mutiwo wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto. Nezvo muchavaziva nemichero yavo.
Mateo 7:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cenjerai ʋaprofita ʋenhema, ʋanoʋuya kwamuri ʋaneŋguʋo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo. Mazambiriŋga anombotanhwa paminzwa here, kana maʋonde parukato? Saiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka, asi muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa. Muti wakanaka hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakaipa, nomuti wakaipa hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka. Muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto. Saka mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo.
Mateo 7:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)