Mateo 6:28-33
Mateo 6:28-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya. Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ Izvi ndizvo zvinoitwa nevedzimwe ndudzi, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.
Mateo 6:28-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. “Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here? “Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
Mateo 6:28-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka. Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku. Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei. Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida. Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu.
Mateo 6:28-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munofuŋganyireiko pamsoro peɀokufuka? Fuŋgai maruʋa eɓundo, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acifukidza saiɀoɀo ʋuswa bgeɓundo, bguri’po nhasi, bgucikandirwa mucoto maŋgwana, haaŋgakufukidziyi nokupfuʋurisa imi ʋokutenda kuɗuku here? Naiɀoɀo musafuŋganya muciti: Ticadyei? Kana: Ticanwei? Kana: Ticafukeiko? Nokuti ʋahedeni ʋanotȿaka iɀoɀi ɀose, nokuti Ƃaba ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi ɀose. Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama kwake; iɀoɀi ɀose ɀicawedzerwa kwamuri.
Mateo 6:28-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)