Mateo 6:25-32
Mateo 6:25-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here? Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here? Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya? “Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. “Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here? “Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose.
Mateo 6:25-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here? Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya? “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya. Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ Izvi ndizvo zvinoitwa nevedzimwe ndudzi, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.
Mateo 6:25-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here? Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here? Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya? “Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. “Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here? “Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose.
Mateo 6:25-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvo ndinoti kwamuri musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei. Ihwo upenyu hausi hwakakosha here kupinda chokudya, uye muviri haupfuuri chokupfeka here? “Tarisai muone shiri dzedenga hadzidyari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura asi Baba venyu vokudenga vanodzipa chokudya. Hamuna kukosha here kupinda idzo? Ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo? Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka. Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku. Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei. Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida.
Mateo 6:25-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka ndinoti kwamuri: Regai kufuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, muciti, ndicadyei, kana ndicanwei; kana pamsoro pomuʋiri wenyu, muciti, ndicafukeiko? Ʋupenyu habgupfuʋuri ɀokudya here, kana muʋiri haupfuʋuri ɀokufuka here? Tarirai shiri dzokuɗeŋga, hadzidɀari, hadziceki, hadziʋuŋganidziri mumatura; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanodzipa ɀokudya. Imi hamudzipfuʋuri ɀikuru here? Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Munofuŋganyireiko pamsoro peɀokufuka? Fuŋgai maruʋa eɓundo, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acifukidza saiɀoɀo ʋuswa bgeɓundo, bguri’po nhasi, bgucikandirwa mucoto maŋgwana, haaŋgakufukidziyi nokupfuʋurisa imi ʋokutenda kuɗuku here? Naiɀoɀo musafuŋganya muciti: Ticadyei? Kana: Ticanwei? Kana: Ticafukeiko? Nokuti ʋahedeni ʋanotȿaka iɀoɀi ɀose, nokuti Ƃaba ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi ɀose.
Mateo 6:25-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)