Mateo 6:25-26
Mateo 6:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?
Mateo 6:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here? Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here?
Mateo 6:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvo ndinoti kwamuri musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei. Ihwo upenyu hausi hwakakosha here kupinda chokudya, uye muviri haupfuuri chokupfeka here? “Tarisai muone shiri dzedenga hadzidyari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura asi Baba venyu vokudenga vanodzipa chokudya. Hamuna kukosha here kupinda idzo?
Mateo 6:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka ndinoti kwamuri: Regai kufuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, muciti, ndicadyei, kana ndicanwei; kana pamsoro pomuʋiri wenyu, muciti, ndicafukeiko? Ʋupenyu habgupfuʋuri ɀokudya here, kana muʋiri haupfuʋuri ɀokufuka here? Tarirai shiri dzokuɗeŋga, hadzidɀari, hadziceki, hadziʋuŋganidziri mumatura; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanodzipa ɀokudya. Imi hamudzipfuʋuri ɀikuru here?
Mateo 6:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)