Mateo 6:19-34
Mateo 6:19-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo. “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza. Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii! “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari. “Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here? Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya? “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya. Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ Izvi ndizvo zvinoitwa nevedzimwe ndudzi, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.
Mateo 6:19-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbava dzinopaza dzichiba. “Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba. “Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo. Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa. “Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei! “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari. “Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here? Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here? Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya? “Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. “Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here? “Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri. Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo dzaro.
Mateo 6:19-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Regai kuzviunganidzira upfumi panyika. Pahunodyiwa nezvipfukuto nengura nehonye, panozopazwa nembavha dzichiba. Asi zviunganidzirei upfumi kudenga, kusina chipfukuto kana ngura inohudya, kusingapazwi nembavha dzichiba, nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo. “Ziso ndiro mwenje womuviri. Nezvo kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uchazara nechiedza. Asi kana ziso rako risina kunaka muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima, rima racho richava rakakura sei! “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari. “Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa. Nezvo ndinoti kwamuri musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei. Ihwo upenyu hausi hwakakosha here kupinda chokudya, uye muviri haupfuuri chokupfeka here? “Tarisai muone shiri dzedenga hadzidyari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura asi Baba venyu vokudenga vanodzipa chokudya. Hamuna kukosha here kupinda idzo? Ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo? Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka. Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku. Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei. Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida. Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu. “Nezvo musazvidye mwoyo nezvamangwana nokuti mangwana achazvionera oga, zuva roga roga rine nhamo dzaro dzakarikwanira.”
Mateo 6:19-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Regai kuɀiʋuŋganidzira fuma panyika, paneɀipfunho neŋgura ɀinopedza, napanembava dzinopaza dziciɓa. Asi muɀiʋuŋganidzire fuma kuɗeŋga, pasineɀipfunho neŋgura ɀinopedza, pasinembava dzinopaza dziciɓa. Nokuti panefuma yako, nomŋoyo wako ucaʋa’po ʋo. Mŋenje womuʋiri iziso; ɀino kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa. Asi kana ziso rako rakaipa, muʋiri wako wose ucaʋa nerima. Ɀino kana ciedza ciri mauri riri rima, rima iro iguru sei! Hapano munhu uŋgaɓatira ʋatenzi ʋaʋiri; nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe. hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma. Saka ndinoti kwamuri: Regai kufuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, muciti, ndicadyei, kana ndicanwei; kana pamsoro pomuʋiri wenyu, muciti, ndicafukeiko? Ʋupenyu habgupfuʋuri ɀokudya here, kana muʋiri haupfuʋuri ɀokufuka here? Tarirai shiri dzokuɗeŋga, hadzidɀari, hadziceki, hadziʋuŋganidziri mumatura; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanodzipa ɀokudya. Imi hamudzipfuʋuri ɀikuru here? Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Munofuŋganyireiko pamsoro peɀokufuka? Fuŋgai maruʋa eɓundo, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acifukidza saiɀoɀo ʋuswa bgeɓundo, bguri’po nhasi, bgucikandirwa mucoto maŋgwana, haaŋgakufukidziyi nokupfuʋurisa imi ʋokutenda kuɗuku here? Naiɀoɀo musafuŋganya muciti: Ticadyei? Kana: Ticanwei? Kana: Ticafukeiko? Nokuti ʋahedeni ʋanotȿaka iɀoɀi ɀose, nokuti Ƃaba ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi ɀose. Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama kwake; iɀoɀi ɀose ɀicawedzerwa kwamuri. Naiɀoɀo musafuŋganya pamsoro peɀamaŋgwana; nokuti maŋgwana acaɀifuŋganyira ɀawo; zuʋa rimŋe nerimŋe rinokwanirwa nenhamo yaro.
Mateo 6:19-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)